‘Wakandipirei mimba yepiri’

MUMWE mudzimai ari kupomerwa kuita vana nevarume vakasiyana senzira yekuti azovamhan’arire kumatare kuitira kuti apihwe mari yemendenenzi yekuvachengeta. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Selda Nundu akaendesa Tafadzwa Zingizi achida kuti abhadhare $200 yekuchengeta mwana wavo.

Zingizi akaudza dare kuti Nundu ane katsika kekuita vana nevarume vakasiyana kuitira kuti azowane mari yemendenenzi. Nundu akapikisana nemashoko aya achiti iyi inzira yaZingizi yekuti dare rimunzwire tsitsi asabvise mari yemendenenzi.

“Nditori nepamuviri pake pechipiri kutaura kuno. Mashoko aari kutaura manyepo. Haasi kuda bedzi kundipa mari yandareva asi pamari iyoyo patori neyekutenga mbatya dzemwana wandakatakura. Kana achinditi ndinoita basa rekubereka vana nevarume vakasiyana saka akandipirei mwana wepiri?”

Akati nguva yadarika Zingizi aimbomutumira $38.

“Kumashure uku ainditumira $38 pamwedzi, ndakamuudza kuti ishoma pamwana asi akaramba kuwedzera. Ndiko saka ndauya kuno kumatare kuti ndibatsirwe.

“Anowana mari yakawanda nekuti ane kambani yake inoita zvekugadzira mota. Saka mwana anofanira kuwana zvinoenderana nezvinowana baba vake,” akadaro Nundu. Akati anoziva kuti ane mumwe mukadzi asi anofanirwa kuchengeta mwana wake zvakafanana nevamwe.

“Ndinozviziva kuti ane mukadzi nevamwe vana vaviri. Saka kana achiti anoda kupa mwana wangu $38, ndiyo iri kuwanikwa nevamwe vana vemumwe mukadzi waari kugara naye here? Ndinoda kuti aenzanise vana nekuti mwana haangatambure baba vake vachirarama muhupfu,” akadaro Nundu.

Zingizi akati Nundu aitaura manyepo ekuti ane garaji remota.

“Handina garaji asi kuti ndinotongoshandawo semugadziri wemotokari. Ndine mukadzi wandinogara naye nevana vaviri saka mari yaari kutaura yakawandisa. Ndinokwanisa kumupa $40 yekuti mwana abatsirikane pachikafu nezvimwe zvaanoda,” akadaro Zingizi.

Akati pamuviri pana Nundu hapasi pake achiti anoenda kushabhini nekumabhawa uko anodanana nevarume vakasiyana.
“Pamuviri handipabvume nekuti mukadzi uyu anoita zvekuenda kushabhini nekumabhawa zvinova ndizvo zvakaita kuti tirambane. Anotori nevamwe vana vaviri vasiri vangu. Ndinovimba kuti vanababa ivavo vari kumupawo mari yekuchengeta vana vavo nekuti ini handingaite basa rekuchengeta vana vasiri vangu,” akadaro.

Akati Nundu ainyepa zvakare kuti anobvisa rendi kumba kwaanogara sezvo achigara pamba pevabereki vake. Mutongi Barbra Mateko akati vaviri ava vadzoke kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *