Edzai otaura sezvazviri . . . ‘P S L haina vatambi vakakwenenzverwa’

NHENGO yeZIFA, Edzai Kasinauyo – uyo akambonetsa mumutambo wenhabvu – anoti vatambi vazhinji vanotambira muCastle Lager Premier Soccer League havakodzeri sezvo tarenda ravo risina kubikwa zvakakwana.

Kasinauyo, uyo anove nhengo yeZIFA achiona nezvekusimudzirwa kwemutambo uyu (development and high perfomance), anoti vatambi vazhinji vemuno vari kutatarika mukutamba nhabvu kana vaenda kunze kwenyika nenyaya yekuti vanenge vasina kukwenhenzverwa matarenda avo.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, Kasinauyo anoti zvikwata zvose zvinokwikwidza muPSL zvinofanirwa kushanda zvakasimba kubika vatambi vechidiki kuti ramangwana ravo ringe rakajeka.

Anotizve zvinokatyamadza kunzwa kuti mutambi wemuno anonzi ndiye akatamba nhabvu kudarika vamwe vose mwaka wadarika, Danny Phiri, ave nemakore 26 ekuberekwa “asi kana tichitarisa kunze kwenyika, Neymar weBarcelona, uyo ane makore 23 ekuberekwa, ari kurwira mubairo wekunzi ndiye akatamba nhabvu kudarika vamwe vese pasi rose, weBallon d’or”.

Kasinauyo anoti vatambi vemuno apo vanenge vave nemakore 18 zvichikwira, vanofanirwa kunge vave kutopisa uye zvikwata zvakasiyana zvichirwira kuda kuvatenga.

Asi izvi zviri kusiyana nekuti vanenge vakura ndivo vari kutotamba nhabvu inonwisa mvura.

“Zvikwata zvedu muno hazvisi kuita basa chairo rekubika vatambi vechidiki nekuti vazhinji vatinoona vanotambira zvikwata zvemuPSL havakodzeri kuzvitambira.

“Pakupedzisira tinozongoti hapana yekutamba nekuti ndivo vatambi varipo asi vatsigiri vanoda kuona nhabvu chaiyo inonakidza.

“Mutambi kana ave nemakore 18 anofanirwa kunge ave kutopisa zvekuti paanozosvika 22 kana 23, anofanirwa kunge ave kutambira kunze kwenyika. Zvino muno mutambi kana ave nemakore 23, ndipo patinotanga kumubika. Zvino anozoenda kunotambira kunze kwenyika rinhi?

“Mwaka uchangopera uyu, Danny ‘Deco’ Phiri, uyo akahwina mubairo weSoccer Star of the Year, ane makore 26 ekuberekwa. Asi unoona Neymar, uyo ane makore 23, ari kurwira kuve World Player of the Year.

“Madhara akura muno ndivo vari kutotamba nhabvu inenge inotonakidza.

“Mwaka wadarika, Joel Luphala akatamba nhabvu inonwisa mvura kudarika vatambi vakawanda asi mutambi uyu akura, ave mudhara. Akatombosiya nhabvu ndokuzodzoka,” anodaro.

Kasinauyo anoti chikwata chose chinokwikwidza muPSL chinofanirwa kunge chiine boka revechidiki, reUnder-19.

“Mukukura kwedu isu, paive nezvikwata zvakasiyana zvemapoka anoti Under-13, 15 ne19 izvo zvaitanga kutamba svondo roga-roga zvikwata zvevakuru zvisati zvapinda munhandare.

“Vatambi taitokura tichizivana kuti kuDynamos kuna nhingi anogona uye kuCAPS United kuna ani nani vanogona.

“Ndozvainge zvakanakira nhabvu yevechidiki nekuti vaitokura vachipinda muchikwata chevakuru vachiri vadiki,” anodaro.

Zvichitevera nyaya yakabuda yevatambi vanoti Walter Musona, Wisdom Mutasa naRonald Pfumbidzai, avo vanonzi vakatiza kuEurope vakundikana ikoko, Kasinauyo anoti vatambi vemuno vanofanirwa kushinga kana vachida kubudirira.

Anoti nhabvu yekunze kwenyika yakasiyana zvikuru neyemuno nekuti ndeyepamusoro-soro saka mutambi anenge awana mukana wekutambira zvikwata zvekunze anotofanira kurwa semvumba.

Kasinauyo anotizve nyaya yakataurwa naMusona naMutasa yekuti murairidzi wechikwata cheSK Senec yekuSlovakia aitaura chirudzi chavasinganzwe ndeyenhando, inotaurwa nemunhu wose anenge akundikana kutamba.

“Zviri kwose munhabvu, kwose kwaunoenda unosangana nezvinhu zvitsva. Saka unofanirwa kushanda nesimba kana uchida kubudirira. Usatsvage zvakawanda asi kuti ziva zvawafambira chete.

“Iwe semutambi unofanirwa kuratidza chikwata chako chitsva kuti une tarenda uye unokodzera kunge uri muchikwata chavo. Pasina izvozvo hapana kwaunoenda.

“George Mbwando akaenda kuGermany nemumwe mutambi ainzi Ties, vose vakasangana nematambudziko akasiyana.

“Ties akafunga zvekudzoka asi Mbwando akashingirira ariko kusvika zvave kumufambira akazotamba nhabvu kwemakore anodarika 10.

“Ibasa revamiriri vevatambi ava dzimwe dzenguva kuti vavabatsire apo vanoenda kunyika idzi kunozama noto, votaurwa navo zvakasimba kuti zvivabatsire kunoshanda nesimba,” anodaro Kasinauyo.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×