Maticha vodzokera kuchikoro◆ ‘2 500 vachaenda kuyunivhesiti’

VADZIDZISI vanosvika 2 500 vachaenda kumayunivhesiti akasiyana kunovandudza ruzivo rwavo pasi pechirongwa cheTeacher Capacity Development Programme icho chine donzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, muHarare nguva yadarika apo vakaita musangano nevakuru vezvedzidzo vakabva kumativi mana enyika.

“Ichi chirongwa chinofambirana nedonzvo reZim-Asset mukuvandudza dzidzo inosimudzira upfumi hwenyika. Naizvozvo vadzidzisi vane pavo pavanoita kusimudzira nyika,” vanodaro Dr Dokora .

“Pasi pechirongwa ichi, vadzidzisi ava vachange vachiita zvidzidzo zvavo pazororo roga-roga apo vana vanenge vavhara zvikoro.”

Dr Dokora vanoti ongororo yakaitwa nebazi ravo inoratidza kuti munyika mose mune vadzidzisi vepuraimari nesekondari vanosvika 123 008.

Vanoti Hurumende ine zvirongwa zvine chitsama zvakananga kusimudzira ruzivo rwevadzidzisi.

“Hurumende ine zvirongwa zvakawanda zvekusimudzira vadzidzisi zvinosanganisira kuti vaite zvidzidzo zvemakombiyuta. Nekudaro takavamba chirongwa cheDevelopment Information Systems (TDIS) apo matunhu ose nemapurovhinzi ave kukwanisa kupa ruzivo kuvadzidzisi vezvikoro maringe neE-learning,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti zvakakoshawo kuti vana vadzidziswe tsika nemagariro muzvikoro sezvo zvichivabatsira mukuumba hunhu hwakanaka.

“Tsika nemagariro ngazvitangire muzvikoro kuitira kuti vana vanonodzidzisa vekunze zvakanaka zvakare nekukura vachichengetedza hunhu. Zvimwe zvatinotarisira kuti vadzidzisi vange vachibatsira vana vechikoro zvidzidzo zviri maererano neutano nemabasa emawoko,” vanodaro Dr Dokora.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×