‘Enda unotengesa muviri wako Joni’

Danisa Masuku
MURUME anogara mumusha weBellevue, kuBulawayo, akaendeswa kudare redzimhosva nemudzimai wake uyo ari kumupomera kumushungurudza nekumurova uye kumuudza kuti anofanirwa kuenda kuSouth Africa kwaakazvarirwa kuti anotengesa “magadziko ake” agowana mari yekuchengeta vana vavo.
Lettie Nkomo – uyo akaroorwa naMenias Nkomo kubvira mugore ra2010 — akapotera kudare achiti haana rugare muwanano yake uye murume wake haazi kutevedzera mutongo wakapihwa nedare kare wekuti achengetedze runyararo pakati pavo mushure mekunge mudzimai uyu apihwa gwaro rinomudzivirira.
“Anondituka achiti handibatsire chinhu, ndiri benzi remukadzi risingazivi kana chinhu uye anondiudza kuti ndidzokere kune vabereki vangu pamwechete nevana vangu.

“Akandiudza kuti ndibvise zvinhu zvangu zvose muimba yekurara achinditi, ‘enda kuSouth Africa unotengesa magadziko ako kuitira kuti uchengete vana sezvo pasina zvandinokwanisa kuita’,” anodaro Lettie.

Anoenderera mberi: “Anondipopotera zvinoita kuti atyore mutongo wakapihwa nedare weProtection Order nemusi wa20 Mbudzi 2020.”

Lettie anotizve Menias akamudzinga muimba yavo yekurara.
“Akandidzinga muimba yekurara zvekuti pari zvino ndinorara nevana mumba mavo. Anogara achindiudza kuti ndidzokere kuSouth Africa,” anodaro. Menias akamiswa pamberi pemutongi Amanda Ndlovu wedare reTredgold Magistrates’ Court achitarisana nemhosva yekurova mudzimai wake.
Murume uyu anoramba mhosva yaari kupomerwa iyi.

Menias akanzi adzoke kudare munguva iri kutevera apo anenge ari mutirongo.
Muchuchisi munyaya iyi ndiHardlife Mhaka.

Related Posts

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×