Dutumupengo Chalane rauya

Muchaneta Chimuka ari kwaMUTARE naKingstone Mapupu ari muHARARE

MVURA ine dutumupengo (Tropical Storm Chalane) inotarisirwa kutanga kunaya muZimbabwe nemusi weChitatu uno uye Hurumende yakatotanga chirongwa chekubvisa vanhu vekudunhu reManicaland munzvimbo dzakatarisana nenjodzi yemafashamu vachiendeswa kwakanaka.

Mvura iyi inotarisirwa kunaya zvine simba munzvimbo dzinosanganisira Chipinge neChamanimani uye ichizopararira nenyika yose.

Hurumende yakatanga chirongwa chekutakura vanhu vari munzvimbo dzine njodzi yemafashamu ichivaendesa kusina njodzi.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD) rinoti mvura iri kutarisirwa kunaya yakawandisa kumatunhu ose eZimbabwe uye zvekudzika 50mm kune dzimwe nzvimbo.

Mvura iyi – iyo hore yacho iri kubva nekunyika yeMozambique ichidarika nemuZimbabwe ichienda nekuBotwsana – iri kutarisirwa kunaya kubva musi weChitatu kusvika Chishanu chegore idzva.
Tropical Storm Chalane inonzi haina simba ringainzaniswa nedutumupengo Tropical Cyclone Idai iyo yakauya nemuZimbabwe gore rapera ndokukonzera kufa nekutsakatika kwevanhu vakawanda nekuparadza zvivakwa zvinosanganisira mazambuko, zvikoro nedzimba.

Svondo rino, vanhu vari munzvimbo dzine njodzi kuChimanimani nekuChipinge – kunyanya vanga vachiri kugara mumatende nekuda kwekuparadzirwa misha yavo neCyclone Idai – vakatotanga kutakurwa nemarori nemabhazi eHurumende vachiendeswa kumatunhu akakodzera anosanganisira muzvikoro nezvimwe zvivakwa zvakasimba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti vangwarire munguva ino nekuda kwenjodzi inogona kukonzerwa nemvura ine dutumupengo iyi.

“Iyambiro yedu semapurisa kuti vanhu vatevedzere zvose zvavanotaurirwa kuti vaite nenyanzvi nekuda kwemvura yapinda munyika yedu yeCyclone Chalane inosanganisira mvura hobvu iine mhepo ichazadza nzizi nemadhamu nekuparadza zvimwe zvinhu. Tinoti vanhu vasayambuke nzizi dzizere sezvo zviine njodzi yekugona kuyeredzwa vachifa uyewo nekurumwa nezvikara zvakaita semakarwe nenyoka,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×