Endai kuchipatara: Dr Manangazira

Munyori weKwayedza
MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti kana mwana achinge aine guvhudende anofanira kuendeswa kuchipatara kuti anoonekwa kuti harina njodzi here kuupenyu hwake.

“Mamwe makuvhu evana anogona kungokura pasina kana dambudziko, chakakosha kuti richekwe zvakanaka pakuzvarwa kwemwana uye richigara riine utano kuitira kuti risapinde utachiona hunokonzera zvirwere. Ndokusaka zvichinzi kana mwana achinge azvarwa mushure memazuva gumi anofanira kuenda kuchipatara, ndizvo zvimwe zvezvinhu zvinenge zviri kutariswa kuti guvhu rake rakaoma zvakanaka here kana kuti rakazvimba.

“Kana akaonekwa aine ‘hernia’ guvhu iroro rinovhiiwa kuti pagadziriswe uye zvinokurudzirwa kuti mwana avhiiwe achiri mudiki. ‘Hernia’ inobata vanasikana nevanakomana zvisinei nekuti huwandu hwacho huri kuvanakomana asi inorapika,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoshora dzimwe tsika dzinokanganisa utano hwevana apo vabereki vanotora mishonga isina hutsanana vachizora pamakuvhu evana zvichizoita kuti vapedzisire vave kurwara.

“Guvhu remwana rinofanira kugara rakachena uye rakavharwa nembatya dzinodziya. Kana vanhu vakazotangisa kuriisa mishonga mimwe yacho inokuvadza yopedzisira yave kuita kuti guvhu iroro riwore kana kubuda hurwa.

Mwana anopedzisira ave kungobatwa nezvirwere zvakasiyana nekuda kweutachiona hunenge hwapinda nepaguvhu nekuti pane nyama nhete. Tinokurudzira vabereki kuti kana pachinge paita zvinhu zvavanenge vasinganzwisise maringe neguvhu remwana vaende kunobvunza machiremba kuti vabatsirwe,” vakadaro.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×