‘Ndinotambiriswa mbatya kubasa’

Hardway Nyakuwarwa
MUKADZI wekuudza dare kuti kubasa kwake haatambire mari asi kuti anopihwa mbatya pakupera kwemwedzi semuhoro akabuda mudare muromo uri mumhuno mushure mekunge chikumbiro chekuti mari yemendenenzi yaari kubhadharwa neaimbova murume wake itutsirwe charaswa.

Fiona Mutemangarima akaendesa Edward Marangiza kuHarare Civil Court achida kuti awedzere mari iyi kubva pa$100 yakatemwa nedare makore akapfuura kuenda pa$200.

“Changamire, ndinokumbirawo kuti mari yangu ikwidzwe sezvo mwana ave kuenda kuchikoro uye panodiwa mayunifomu nemari yemuchovha yekuti afambise kuenda kuchikoro. Ini pari zvino hapana chandiri kuita,” akadaro Mutemangarima.

Marangiza akaudza dare kuti Mutemangamira ainyepa kuti haashande.

“Anonyepa, anoshanda kune imwe kambani yekunokwirirwa ndege, ndinahwo umboo hwacho,” akadaro achibudisa magwaro eumboo udare.

Pakarepo Mutemangarima akabva amugamha achiti: “Ichokwadi ndiko kwandiri kushanda asi handitambire mari zvachose, ndinohora mbatya pakupera kwemwedzi woga-woga.”

Marangiza akati haakwanise kubhadhara mari yaidiwa naMutemangamira nekuti ane imwe mhuri.

“Ini ndine mhuri nekudaro handigoni kuti ndiwedzere zana pagumi.  Chandinokumbira kuti dare rinditendere kubhadhara mari yechikoro nekutenga mayunifomu sezvo ndisingarambi kuti mwana ndewangu.” Mutongi Trevor Nyatsanza akati Marangiza acharamba achibhadhara $100 asi obvisawo mari yechikoro.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×