Evangelist Chamunorwa oparura dambarefu rechitatu

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Evangelist Richard Chamunorwa – achaparura dambarefu rake idzva rechitatu svondo rino iro rinonzi ‘Nyarara Kuchema’.

Achitaura neKwayedza, Evangelist Chamunorwa, anoti dambarefu iri, iro rine nziyo ina, achariparurira muHarare uye rizere nenziyo dzinodzisa vanhu kusvika panguva iyo zvinhu zvinenge zvichirwadza zvakaoma.

“Ndine mufaro mukuru nekutenda kukuru kunaMwari vari kumusoro kudenga nekunditungamira kusvika pandiri nhasi, ndakwanisa kutsikisa madambarefu matatu uye rechitatu racho ndiri kuriparura muHarare musi weChitatu chino.

“Dambarefu rechitatu iri rinonzi ‘Nyarara Kuchema’ uye rine nziyo ina chete idzo dzizere nedzidziso yakanaka chaizvo,” anodaro Evangelist Chamunorwa.

Padambarefu iri, Evangelist Chaunorwa akashanda naObert Chari pakambo kanonzi ‘Mudiwa Wangu’ uye dzimwe nziyo dzinosanganisira ‘Nyarara Kuchema’, ‘Pachinhu Chedu’ na’Tauya Mambo’.

Anokurudzira vamwe vaimbi kuti vashande pamwechete uye vakabatana sezvo zvichibatsira vese kuti vasimukire mumhanzi.

“Vaimbi kurudziro yangu ndeyekuti ngatishande pamwechete titsikise mhanzi nekuti ndiko kusimuka kwedu tese uye zvinotibatsira kuti mhanzi yedu izivikanwe isvike kure,” anodaro.

Evangelist Chamunorwa anonyanya kuzivikanwa nekambo kake kakaita mukurumbira kanonzi ‘Makairasa’ ako akaimba akabatana naChari.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *