FC Platinum,CAPS dhuma

CHAKABVONDOKA svondo rino kuMandava Stadium, kuZvishavane uko FC Platinum ichasangana neCAPS United mumutambo weZimbabwe National Army Charity Cup musi weMugovera.
Zvikwata zviviri izvi zvinozivikanwa zviri mhandu dzisingaonane muligi uye svondo rino daka riri pakati pazvo richaonekwa apo zvichange zvichirwira mukombe uyu.

Kepe-kepe kana kuti Shaisa Mufaro,  sekuzivikanwa kunoitwa CAPS United,  ndiyo ine mukombe uyu uyo wayakahwina gore radarika apo yakarakasha Black Rhinos.

Gore rino mutambo uyu wange uri wezvikwata zvina izvo zvakaona Kepe-kepe ichikunda Dynamos FC 1-0 mumutambo wakatambirwa kuNational Sports Stadium kozoti mune mumwe mutambo FC Platinum yakakunda Highlanders 3-2 kuBabourfields kuBulawayo.

Zvakadaro, kaputeni weKepe-kepe Tapiwa Kumbuyani anoti chikwata chavo chicharwa semvumba kuti chichengetedze mukombe uyu.

Anoti mukombe uyu kunyangwe hawo uri wekutsvaga mari yekubatsira vanotambudzika muhupenyu vachaukoshesa sezvo uchivabatsira kusimbisa chikwata chavo.

“Chichange chakachaya svondo rino nekuti isu mukombe uyu ndewedu hatisi kuzosiya FC Platinum ichiutora.

“Svondo rino patichasangana nayo toda kuirakidza kunonzi kutamba nhabvu zvekuti tichairakasha zvakasimba.

“Mukombe uyu tinoukoshesa zvikuru uye ticharamba tinawo.

“Dai zvaibvira wangoramba uri kuno (kuHarare) tisautakure kuenda nawo kuZvishavane nekuti tisu tichanouhwina asi semutemo totongotevedzera zviripo,” akadaro Kumbuyani.

Kune rimwe divi, kaputeni weFC Platinum Daniel Veremu akayambira Kepe-kepe kuti isauye kuZvishavane ichifunga kuti ichadzokera nemukombe uyu achiti uchasarako.

Veremu anoti ‘Kugona kunenge kudada’, sezita remadunhurirwa reFC Platinum, ine hukasha hukuru. “CAPS United tinoiziva kuti inogona nhabvu asi svondo rino iri panguva yakaoma.

“Tinoitenda kuti iri kutiunzira mukombe nekuti tisu tichauhwina.

“Hatingambobvumire kuti Kepe-kepe ibve kuHarare kwese uko youya kuzotirovera pamusha pedu, aiwa hazviite,” akadaro Veremu.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×