Federer acharamba achitamba

ROGER Federer akabuda pachena kuti anoda kuramba achitamba mutambo wetenesi uye haasi kumbofunga zvekuusiya.

Ramangwana reshasha iyi rakange rave kutaurwa nezvaro gore radarika sezvo ange ave nemakore mashanu asina kumbohwina Grand Slam uye akambokuvara, asi muna Ndira gore rino akazokunda Rafael Nadal mufainari yeAustralian Open.

Uye shasha iyi – iyo ine makore 35 okuberekwa – yakabva yatevera nekukunda Stan Wawrinka mufainari yeBNP Paribas Open svondo radarika.

Federer akaudza GQ kuti ari kuzvinzwa maari kuti anogona kuramba achienderera mberi nekukwikwidza ndokuti anofara chaizvo kuenda kunokwikwidza kumitambo yakawanda pasi rese.

Shasha iyi yekuhwina Grand Slam ka18, yakavaka imba yavo pamusoro pegomo kuSwitzerland nemudzimai wake – Mirka Valbella – nechinangwa chekuti vatize hupenyu hwemudhorobha.

Asi Federer kunyangwe hazvo achiti anoda kugara murunyararo, akabuda pachena kuti anoda kuramba achikwikwidza mumitambo yakasiyana.

“Ngatiti ndine mutambo,” Federer akadaro.

“Ndinozvibvunza, kuti ndinonzwa kufara sei kubva kumba kwangu ndichienda kunokwikwidza kumutambo uyu ndichisiya kumba kwangu.

“Nekuti zvinhu zvakanaka kuramba ndiri kumba kwangu.

“Saka ndinofara hangu kurongedza mabhegi angu ndofamba kuenda kunomarongedza mumotikari yangu, ndotarisa imba yangu ndoti ndave kuenda kunoita basa randinodisisa.

“Kana kuti ndinofunga kuti ndicharamba ndichienderera mberi here?

“Nguva yese ndinenge ndichiti ndinonzwa kufara kuramba ndichienderera mberi.

“Ndichiri kuita zvinhu zvakanaka chaizvo mumwoyo wangu.” – Sportsmail.

 

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×