‘Kwayedza inotigonera’

Daphne Machiri —
BEPANHAU reKwayedza rinorumbidzwa nekubatsira kwariri kuita vana vechikoro kuti vabudirire muzvidzidzo zveShona pasi pechikamu charo cheDenhe Reruzivo.

Rumbidzo iyi yakabva kuna VaBrian Zivanai, avo vanova finance and corporate governance expert paMitchelles Group of Schools, muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, VaZivanai vanoti vana vepachikoro chavo vari kubudirira pabvunzo dzeShona dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) nekuda kweKwayedza, uye kubvira muna 2015 kusvika gore rapera, vari kubudirira nechikamu che100%.

“Vana vedu vari kubudirira mubvunzo dzeShona nekuti vanoshandisa Kwayedza iro rine zvikamu zvakasiyana zvechidzidzo cheShona. Zvakare, Kwayedza rinopa mikana kuvana kuti vange vachipindura mibvunzo yakasiyana nekubvunzawo pane zvavasingazive,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kunze kweShona, tiri kudzidzisa mitauro yakasiyana pachikoro chedu inosanganisira Ndebele neVenda kubva gwaro reECD kusvika Grade 7. Izvi zvakakosha kuitira kuti vana vakure vachiziva mitauro yakasiyana uye vamwe vanozoenderera mberi nezvidzidzo zvakadai kusvika kuyunivhesiti,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti pachikoro pavo vanosusukidza chidzidzo cheShona kumberi.

“Chidzidzo cheShona tinoramba tichivandudza, tine tarisiro yekuti mwana paanosvika Grade 7 anenge ave kukwanisa kunyora zvakaita senhetembo nemitambo achishandisa mutauro uyu,” vanodaro VaZivanai.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×