Fekitari yemabhanana, miriwo inokosha US$450k yamirira kuvhurwa

Tendai Gukutikwa

HURUMENDE yakazivisa kuti muzinda wefekitari yekuvandudza mabhanana nemiriwo kuHonde Valley, uyo unokosha US$450 000, wave pedyo kupera kuvakwa, chinove chidanho chikuru panyaya yekusimudzira maindasitiri kumaruwa.

Mabhanana, somuenzaniso, achange achigadziriswa furawa, machipisi nezvimwe.

Chipangamazano kumutungamiri wenyika panyaya dzekufambiswa kwezvirongwa zveHurumende Dr Joram Gumbo vanoti muzinda uyu unomirira shanduko huru muurongwa hwebudiriro yekumaruwa.

“Muzinda uyu une ukoshi hunodarika simbi nezvidhinha zviri pamberi pedu. Unomirira shanduko, kwete kunzvimbo ino chete (Honde Valley), asi kuchirongwa cheZimbabwe yose chekusimudzira budiriro yemaindasitiri ekumaruwa,” vanodaro.

Dr Gumbo vanoti kuvakwa kwemuzinda uyu idanho guru mukugadzirisa dambudziko rekurasikirwa negoho mushure mekukohwa uye kurozvwa kwevarimi vemabhanana nemiriwo, avo vaive nedambudziko rekusavepo kwemisika iri pedyo.

Muzinda uyu unokwanisa kuvandudza makg 400 ezvirimwa paawa kuita zvigadzirwa zvemhando yepamusoro zvakaita sefurawa nemachipisi.

Varimi vanosvika 600 vachabatsirikana nekuendesa zvirimwa zvavo kufekitari iyi; apo vamwe vanodarika 2 000, kunyanya vanhukadzi nevechidiki vanobva kwaMutasa neNyanga, vachawana mikana mitsva yekuwana nayo mari.

“Kwenguva yakareba, varimi vadiki vairasikirwa uye kushungurudzwa nemakoronyera. Nekuvandudza zvirimwa zvichigadziriswa zvinhu zvakasiyana-siyana zvekutengesa pamusika, muzinda uyu unobva wabvisa zvimhingamipinyi zvakare,” vanodaro Dr Gumbo.

“Tiri kuumba Zimbabwe yatinoda; nyika inoita mabasa, inopa masimba . . .”

Mai Betty Masvanhise, vanove mukuru webazi rezveminda, kurima, nyaya dzehove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa mudunhu reMutasa, vanoti kupedza kuvakwa kwemuzinda uyu kuchabatsira zvikuru varimi kuHonde Valley.

Mai Sheila Mtetwa, vanove district development officer mubazi rinoona nenyaya dzekusimudzirwa kwevanhukadzi, vanotsinhira mashoko aya vachiti kuvepo kwechirongwa ichi ibudiriro huru kuvanhukadzi pamwe chete nevechidiki.

Varimi vemunzvimbo iyi vakaratidzawo kuve netariro yakanaka maererano neremangwana ravo.

“Haticharasi mabhanana edu; tave kutotengesa kufekitari pane kuti tidemberere makoronyera,” vanodaro Mai Mutsa Mutete, vanove murimi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *