Fodya yakatengeswa inokosha $129m

Kingstone Mapupu
FODYA yatengeswa kumisika yakasiyana parizvino kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa uyu mwedzi wapera inokosha US$129 miriyoni anova makgs 50 miriyoni. Mashoko akabva kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) anorakidza kuti huwandu hwefodya yatengeswa kusvika parizvino hwakadzikira kana zvichienzaniswa nenguva imwe chete mwaka wadarika.

Fodya yakatengeswa panguva imwe chete iyi gore radarika aive makgs 54 miriyoni ayo aikosha US$170 miriyoni.
Izvi zvinoreva kuti kutengeswa kwefodya uku kwakadzikira nezvikamu gumi nezvisere kubva muzana kana zvichienzaniswa negore ra2014.
Mutengo wefodya kubva mwaka uno uchitanga wanga wakadzikira zvikuru sezvo waibvira paUS$0,10c pakg asi ukazotanga kukwira masvondo mashoma adarika.

Kudzikira kwemutengo uku kunonzi kwaiva kuchikonzerwa nefodya yakatanga kuunzwa nevarimi yemashizha epasi iyo yaiva isina kunaka kusvika pamwero unodiwa nevatengi.

TIMB inoti mutengo wepamusoro zvikuru wefodya pakg kwemakore mana adarika kumisika yeruzhinji wakangogumira paUS$4,99, kuchitiwo kumisika yevanobatsirwa mukurima chirimwa ichi vemakondirakiti wakagumira paUS$6,25 pakg.

Vanotenga vanonzi vanoti fodya yevarimi vanobatsirwa nemakambani inenge yakanaka iine zvose zvinodiwa kana zvichienzaniswa nevanorima voga.

Varimi vanonzi vari kupa TIMB mhosva yekutadza kutora matanho kuvatengi ava vasingade kukwidza mutengo wefodya kumisika yakazvimirira.

Zvakadaro, chamangwiza weTIMB, Dr Andrew Matibiri, vanoti fodya inotengwa nemutengo wakanaka kuburikidza nezvinotarisirwa nevatengi izvo zvinosanganisira kunaka kwayo.

Mukuru wesangano reTobacco Industry Development Support Institute, VaJeffrey Takawaira, vanotiwo dambudziko remutengo wefodya ndere kuti vanotenga vacho vashoma zvikuru munyika.

“Nyaya inonetsa ndeye kuti vanotenga ndeve kuEurope nekuChina nekudaro vanhu ava vashoma zvikuru zvinoita kuti vaite zvavanoda,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×