Ndinorota kumakuva

 TETE Chipangamazano makadii?
Ndiri murume ane makore 29 okuzvarwa, ndine mwana mumwe chete asi takasiyana naamai vake makore mashanu adarika. Ndine musikana wandiri kufambidzana naye zvekuti tave kutoronga kuroorana. Nemusikana uyu takawanana muchechi.

Dambudziko ravapo tete nderokuti pose pandinosangana naye ndinorota hope dzinotyisa, kunyanya zvekumakuva.
Kusvika pari nhasi kave kana ndichirota hope idzi.
Chingave chii kana kuti ihope zvadzo here? Ndibatsireiwo tete musikana wangu ndinomuda chose.
Zvinonzi zano ndega akasiya jira mumasese, ndipeiwo zano tete.
M. Jack
Marondera.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru rinotyisa.
Kana uchinge waona zvatomira zvakadai, zvava kutoda kuti ufambe kune vanoziva nezvenyaya dzakadaro nekuti pane dzimwe nguva unozoroora munhu ane zvinhu zvake izvo zvinozokupa dambudziko mukurarama kwenyu mukati memba.
Ndine muzukuru akambondinyorera nyaya yakaita seyako, ndikamupa zano, asi haana kuzondiudza kuti zvakaita here. Uyu aiti aitofumoonekwa ari kumakuva.
Saka iwe muzukuru famba ubvunzire nyaya yako, nokuti musikana uyu anogona kunge ari musikana ane mhepo dziri paari, kana kuti dambudziko riri kwauri, risingade kuti uroore.
Famba uzive zvikonzero zviri kuita kuti urote hope idzodzi.
Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×