‘Fundo inokosha kuvaimbi’

Abel Ndooka
MUIMBI weAfro-fusion nePasada – Walter Sonayi – uyo anonyanya kuzivikanwa saPapa Sodza, wechikwata cheVibrant Sounds anoti zvakakosha kuti vaimbi vadzidze kuitira kuti vatsvage mamwe mabasa ekuita kunze kwekungomirira zvemimhanzi chete.

Muhurukuro neKwayedza, Papa Sodza anoti mazuva ano vaimbi vashoma vari kukwanisa kuwana mashoo ekuridza.

“Mhanzi iri kurema ndicho chokwadi, kana usina fundo hapana zvaunokwanisa kuita. Saka ndinotokurudzira vamwe vaimbi kuti ngatidzidzei. Ngatikoshese fundo, tiwane mabasa tiwane pundutso muhupenyu hwedu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Unoziva unenge une vaunoshanda navo muchikwata chako saka ukasaita mashoo vanenge vachida kubhadharwa zvino unovabhadhara sei? Iwe kubasa hausi kuenda saka panotodiwa kuti patsvagwe zvimwe zvekuita kana mabindauko anounza mari.”

Papa Sodza anoti ane rimwe basa raanoita kuti azviraramise iye nemhuri yake pamwe nekubhadhara chikwata chake.

“Ini ndinotosevenza rimwe basa kuti ndikwanise kutsvaga mari yekubatsira chikwata changu, ndichiraramise chirambe chichiita shungu yekundisevenzera tirambe tichitsikisa mhanzi.

“Mashoo, hongu, ndoziva haawanikwe pese pese saka panotodiwa kushanda nesimba mamwe mabasa kuti tigoramba tichitsikisa mhanzi, tichisimukira zvakare,” anodaro.

Papa Sodza anokurudzira vamwe vaimbi kuti vabatane pakuita mashoo sezvo zvichibatsira mukusimudzira indasitiri yemimhanzi.

“Vaimbi ngatibatane tisimukire tese nekuti tikaita mazvake mazvake hapana kwatinosvika, ichi ndicho chokwadi. Hongu nhasi unogona kunge uri pamusoro asi mangwana zvinoshanduka. Hatizive kuti mangwana zvichafamba sei saka zvakakosha kuti tibatane,” anodaro.

Muchinda uyu anozivikanwa nenziyo dzakanetsa dzinosanganisira “Ejegu” ako akaimba naSuluman Chimbetu uye nekamwe kanonzi “Ndazvibikira Mbodza”.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×