Gadziriro dzeshoo dzoitwa

GADZIRIRO dzeshoo yevarimi yeHarare Agricultural Show yegore rino iyo ichaitwa kubva musi wa22 Nyamavhuvhu kusvika 30 iine dingindira  rinoti “kuchengetedza, kuvandudza nekusimudzira mabasa ekurima” dzave padanho repamusoro.

Mushandi anodyidzana neruzhinji kusangano reZimbabwe Agricultural Show Society (ZAS), Muzvare Heather Madombwe, anoti mazana emakambani emuno neekunze anotarisirwa kuuya kuzoratidzira kushoo iyi.

Nhandare dzinoitirwa eshoo iyi dzinokwana masitendi 780 ayo anotarisirwa kunge  achitorwa ose gore rino.

Gore rakapera, masitendi 749 akatorwa ose nemakambani omuno, ekunze pamwe nevamwe vanhu vaive vakazvimirira. Zvakadaro, kusvika svondo rakapera masitendi anodarika 300 akange atotorwa kare.

Mari yekupinda mushoo haina kusanduka kubva payakange iri gore rapera. “Mari yedu haina kusanduka inongova iyo US$10 pavana vane makore 12 okuberekwa zvichidzika uyewo vakuru vachibvisa US$5. Ikurudziro yedu kuti vanhu vauye vakawanda kushoo yegore rino nekuti kune zvakawanda zvichange zvichiitwa,” vakadaro Muzvare Madombwe. Kuchange kuine mitambo yechinyakare yekurangarira vaimbova president weZAS, VaHosiah Mapondera, avo vakashaika gore rino.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×