Kurima fodya zvine hunyanzvi

SVONDO rapera sangano reZimbabwe Tobacco Seed Association rakatarisa marimirwo emhando ina dzepamusoro dzembeu yefodya –  KRK26, T72, KRK64 neKRK66.
Zvakaonekwa kuti mbeu yeKRK26 neT72 dzinopa goho rakanaka kana dzichinge dzatangidzirwa kurimwa kuburikidza nenzira yemadiridziro kunyangwe zvapo paine matambudziko kana dzikarimwa nemvura yekunaya.

Svondo rino tichatarisa dzimwe mhando mbiri idzo dzinonoka kukura pane KRK64 neKRK66 dzinoti KRK28 neKRK29.

Mbeu iyi inokurudzirwa kurimwa nekukasika panguva apo mvura inenge isati yaturuka kumatunhu anokura mbesa nekuchimbidza.

Vamwe varimi vanoda kurima mbeu iyi nekuti vanoziva kuti vachawana goho rakanaka uye haiibve nekuchimbidza zvinoita kuti isakanganiswe nemvura inenge ichinaya.

Mbeu iyi yose inoita mashizha makuru anenge akanaka ichishingirira muzuva.

Inokurudzirwa kurimwa kumatunhu akaita seKaroi, Magunje neDoma ayo anopisa uye asinganaye mvura yakawanda.

Zvakadaro, mbeu iyi haikurudzirwe kunonoka kurimwa kunze kwekunge murimi achizotutsira nemvura yemadiridziro kana mwaka wekunaya kwemvura waguma.

Inokurudzirwa kurimwa muna Chikunguru  ichizodyarwa mumunda muvhiki rekutanga raZvita. Pambeu mbiri idzi, KRK28 hainetse kurima, kungave kumaruwa kana kumapurazi nekuti inonyanya kushingirira muzuva ichipa goho repamusoro uye haidi imwe fetereza yekututsira pamusoro peinge yaiswa painofeswa.

Zvakadaro, KRK29 inoda imwe fetereza yekuwedzera apo inenge ichiri mumubhedha painofeswa.

Mbeu mbiri idzi dzinogona kusangana nezvirwere zvinoti TMV, granville wilt neguinea fowl spotting panguva yekukohwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×