Gadziriro dzeshoo dzotanga

jambo bull at mukono saleSANGANO reZimbabwe Agricultural Society rinoti shoo yevarimi yemuHarare ichange ichiitwa kubva musi wa24 Nyamavhuvhu kusvika 29 Nyamavhuvhu apo vemakambani emuno neekunze uyewo vanhu vakazvimirira vanenge vachiratidzira zvinhu zvakatsaukana.

Heather Madombwe anova mushandi anodyidzana neruzhinji kusangano iri anoti shoo iyi ichava yechi105 ichiitwa kubva pakavambwa gungano iri.

Dingindira regore rino kushoo iyi richange richiti “Kuvandudzwa kwemabasa ekurima nekukwanisa kutevedza mamiriro ekunze”.

Mazuva eshoo yegore rino mashoma sezvo ari mashanu chete kana zvichienzaniswa neegore radarika ayo aiva gumi.

Shoo yegore rakapera yakavhurwa nemutungamiriri wenyika vari zvakare mukuru-mukuru wemauto, President Mugabe.

Madombwe anoti basa rekunyoreswa kwemakambani nevanhu vakazvimirira riri kufambira mberi mune zvakanaka. “Semamwe makore ose, kuchange kuine zviratidzwa zvemhuka, kwekutambira vana, mapurisa edu nemasoja vanenge varipo vachiita zvidavado zvavo, kuputika kwemafire crakers kuriko, vaimbi vacharidza nezvimwe zvakasiyana,” akadaro Madombwe.

Madombwe anoti, sezvinoitwa makore ose zvakare, vana vechikoro vachauya vaine yunifomu pamazuva anenge atarwa vachapinda mushoo iyi pachena.

Gore rapera, shoo iyi yakapindwa nevemakambani akabva kunyika dzakasiyana dzinosanganisira Zambia, Ghana, Botswana, Kenya, neSouth Africa.

Zvakadaro, mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vakayambira vabereki kuti vasasiye vana vachienda voga kushoo senzira yekudzivirira kurasika kwavo nekupinda mune dzimwe njodzi dzakatsaukana.

“Isu semapurisa tiripo kuchengetedza runyararo kubva musi wekutanga kusvika shoo iyi yapera. Tinoti vana ngavafambe nevanhu vakuru uyewo vofamba kwakachena vari pamwe chete,” vakadaro.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×