Anoitira mukadzi Weti mumusoro

Kudakwashe Chinokuya
MUMWE murume akapupura mudare kuti kana achinge ashatiriswa nemukadzi wake, hasha dzinomukurira zvekusvika pakumuitira weti mumusoro achimurova.

Kudakwasha Manyaka akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemukadzi wake, Mary Nyangani, achiti ari kumushungurudza zvikuru.

Nyangani akaudza mutongi wedare Barbra Mateko kuti akatotiza kumba kwavanogara nekuda kwekufurufushwa kwaanoitwa naManyaka.

“Anogara achindirova nekundiitira weti mumusoro. Pari zvino ndakatobva kumba nenyaya iyoyo. Aindishungurudza zvekuti ndaishaiwa mufaro,” akadaro Nyangani.

Anoti pari zvino ava kuita basa rekutengesa pamusika kuti awane raramo asi Manyaka anomutevera achimufurufusha.

Nyangani akaenderera mberi achiti: “Ndakati zvandasiyana naye ndiite zvemusika ndiwane kurarama asi zvakashaya basa nekuti anouya achindinetsa. Rimwe zuva akauya akaparadza musika wangu nezvose zvaivapo.

“Handizivi kuti chinangwa chake ndechei. Ndauya kuno kudare kuti rindipewo gwaro redziviriro kuti asarambe achindishungurudza.”

Manyaka akaudza dare kuti hanzvadzi yemukadzi wake ndiyo honzeri yekunetsana kwavo.

“Hanzvadzi yake inoda kupindira pakati perudo rwangu nemukadzi wangu. Mukadzi wangu anobva akutsirana nehanzvadzi yake mukundipikisa pane zvandinenge ndichitaura.

“Weti yandinozomuitira ndinenge ndawandirwa nehasha, ndapererwawo nezvekuita. Handingarege kuita hukasha kana vachindibatsirana nehanzvadzi yake. Kurova ndinenge ndava kutadzawo kudzora hasha dzangu,” akadaro Manyaka.

Mutongi Mateko akapa Nyangani gwaro redziviriro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×