Harisi shavi renjuzu: N’anga

VAJONATHAN Shonhiwa Mupamombe (49) vekuTshovani, kuChiredzi vanoti musikana wekuBuhera uyo anonzi anoba zvinhu zvevanhu achishandisa shave renjuzu anogona kunge aine mamwe mashave.

“Mashavi enjuzu haafambirane nekuba sezvinotaurwa nemusikana uyu. Shavi renjuzu rinozivikanwa nehutsanana kwete zvekuba. Chiripo ndechekuti pamwe kana shavi renjuzu riripo rabatanawo nemamwe mashavi seegudo nezvimwewo zvave kuita kuti musikana uyu abe,” vanodaro.

“Musikana uyu anogona kunge achida kusvikirwa nemudzimu wenjuzu uyo unoda kugadzirwa. Mudzimu uyu unogona kunge uri kuuya nemamwe mashavi anorwisana zvoita kuti aite zvinhu zvisina maturo. Zvakare kana mudzimu ukatengwa, pane vamwe vanhu vanenge vachiuda, unodaro kuti munhu anogona kuba, kurwa nevanhu nekuitawo zvimwe zvinhu.”

VaMupamombe vanoti kugara kunoita musikana uyu mumvura zvinogonawo kufambirana nemamwe mashavi emhuka dzinogara mumvura dzakaita semvuu kana mbiti.

“Mhuka yoga-yoga ine shave rinogona kubata munhu, nekudaro munhu akaita shave regudo anoba, kugara achikwenya, kucheuka-cheuka nekuviga zvinhu,” vanodaro.

Sekuru Thomas Mukunguta vekuChitungwiza vanoti musikana uyu anofanirwa kubatsirwa nekukurumidza.

“Semaonero angu, musikana uyu anofanirwa kubatsirwa nekuti achaenda kumvura uku zvachose kana njuzu idzi dzave kuda kugara naye. Ndinoti kuvabereki vake nedzimwe hama vakurumidze kufamba naye mudzin’anga dzinogona kana kumaporofita abatsirwe,” vanodaro.

Vanoti musikana uyu anofanirwawo kunge aine shavi redona iro rinodyidzana zvikuru nerenjuzu.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×