Munyori weKwayedza
GADZIRIRO dzezuva remagamba (Heroes Day) neremauto (Defence Forces Day) dzatanga, paine hurongwa hwakasimba hwekuremekedza mhare dzehondo nekucherechedza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuita mabasa akasanangurika.
Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet muguta reHarare nemusi weChipiri svondo rino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti mhemberero huru dzezuva remagamba dzichaitirwa kuNational Heroes Acre muHarare nemusi wa11 Nyamavhuvhu, apo dzimwe dzichatora nzvimbo panguva imwe cheteyo kumapurovhinzi 10 enyika.
“Hurumende yeZimbabwe iri kugadzirira mhemberero dze2025 Heroes Day commemorations, idzo dzichaitwa nemusi weMuvhuro, Nyamavhuvhu 11, 2025.
“Mhemberero huru dzichaitwa kuHeroes Acre muHarare, apo dzekumapurovhinzi dzichaitwawo panguva imwe cheteyo munyika yose.
“Gadziriro dzakatotanga, kusanganisira kunyorwa kwemamwe mazita matsva emagamba enyika, apo mhuri 222 dzinotarisirwa kuve pamhemberero huru idzi,” vanodaro.
Mhemberero dzeDefence Forces Day dzichaitwa musi wa12 Nyamavhuvhu kuRufaro Stadium muHarare.
Kunze kwemhemberero idzi, Cabinet yakaita chisungo zvakare chekuti pave nekucherechedzwa nekuremekedzwa kwezvizvarwa zvemuZimbabwe zvitatu zvakaita mabasa akasanangurika, izvo zvichapihwa chiremerera ichi pazuva reHeroes Day.
“Vacharemekedzwa vanosanganisira Dr Vladimir Shubin, vaimbove mukuru weAfrica Section of the Soviet Afro-Asian Solidarity Committee, avo vachapihwa chiremerera cheRoyal Order of Munhumutapa; Chidhudhu Innocent, wechidiki akashandisa huchenjeri hwakadzama mukununura vana vaviri vaive muimba yaibvira kuBindura, uyo achawaniswa Silver Cross of Zimbabwe; naDr Madeline Nyamwanza, chiremba wekutanga wechidzimai muZimbabwe, avo vachapihwa chiremerera cheRobert Gabriel Mugabe Commendation Award for Service in Human Capital Development,” vanodaro Dr Muswere.



