Tarakinyu, Chidzivo hutu nemikombe

Abel Ndooka

SHASHA dzemarathon — Moses Tarakinyu naFortunate Chidzivo — ndidzo dzakahwinha mibairo mikuru yemujaho weTanganda Half Marathon, uyo wakaitirwa kwaMutare svondo radarika.

Tarakinyu akahwinha mujaho mukuru wevarume wemakiromita 21, Chidzivo achihwinhawo wemadzimai wemakiromita 21km.

Kuhwinha kwavakaita kwakaita kuti vese vawaniswe US$800 pamunhu kubva kuvakotsveri vemutambo uyu — Tanganda Tea Company.

Aka kaive kechitatu kakatevedzana Tarakinyu achihwinha mujaho uyu, izvo zvakaita kuti apinde mumabhuku enhoroondo.

Achitaura mushure mekukunda kwake, Tarakinyu anoti kushanda nesimba uye kuzvininipisa ndiko kwakamubatsira kuti ahwinhe mujaho uwu.

“Ndinoda kutenda chikwata changu, icho chinondibatsira nguva nenguva pandinenge ndichiita gadziriro dzangu uye chinonditsigira kuti ndishande nesimba.

“Kusvika pandave apa kushanda nesimba nekuzvininipisa, saka ndinokurudzira vamwe vanomhanya marathon kuti tishande nesimba uye tichizvininipisa; tinosvika kure.

“Ndinoda kuremekedza vatsigiri vangu, vanofamba neni vachinditsigira. Ndinokutendai nerudo uye rutsigiro rwenyu,” anodaro Tarakinyu.

Mune mimwe mijaho yakamhanywa svondo radarika, shasha yemarathon yechidiki iri kusimukira, Wayne Kabondo, ndiyo yakahwinha mujaho wemakiromita 10, Melody Kaseke achihwinha wevanhukadzi.

Mumakwikwi ewiricheya, Stellah Jongwe ndiye akahwinha mujaho mukuru we21km wemadzimai; kuvarume, akahwinha ndiSamson Muroyiwa.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *