Gadziriro yemwaka neSeed Co

naRonnie Chigombe
TINOKUKWAZISAI varimi kumatiwi ose enyika pachirongwa chatinodzidzisana zvekurima navasahwira venyu veSeed Co.

Vakuru vakareva pavakati rwendo rwemujecha hutangirana pamwe nevamwe. Izvozvi murimi akarongeka anofanirwa kuve ari mubishi kutenga mbeu sezviri kuita vamwe.

Kutaura kuno varimi ibararamhanya vachinotenga mbeu dzavo dzinobva kunyanzvi pakuuchika mbeu kuSeed Co. Isu veSeed Co tinoti zvinotanga nembeu kwayo kuti murimi awane pundutso kubva mukurima naizvozvo mbeu kwayo inongowanikwa chete kuSeed Co.
Yangova wasara wasara, riri bararamhanya varimi vachinotenga mbeu dzavo dzavanofarira uye dzinovapa goho repamusoro-soro.

Shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva iripo, uye akubaira zanhi ndewako.
Kurima kune pundutso kunotangira pambeu kwayo naizvozvo mbeu kwayo inowanikwa kubva kunyanzvi pakuuchika mbeu iri kambani yeSeed Co.

Kuti munzwe zvakawanda batai mudhumeni wenyu weSeed Co Ronnie Chigombe pa0772240846

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×