Gakava rerendi rakaperera kudare

Yvonne Chipato
ROJA rekutsika madziro richiramba kubhadhara chikwereti cherendi chepamba paraimbogara rakanzi nedare ribvise mari inosvika $87 iyi mwedzi waNyamavhuvhu usati wapera.
John Mutseyekwa akamhan’arira Skonisile Ncube kuHarare Civil Court achida mari yake yerendi yaakanga asina kubhadharwa.

“Mambo wangu, amai ava vari kuramba kubhadhara mari yangu yerendi inosvika $87 asi ivo vakagara mumba mangu kwemwedzi wose.

“Ndakaedza kutaura navo asi ndavatadza.

“Zvavo zvekuti murume wavo haasi kutumira mari yerendi handizvikoshesi nekuti hazviunzi cheuviri mumba mangu, kana shuga chaiyo.

“Ini chandinoda imari yangu sezvo vari ivo vakagara pamba pangu kwete murume wavo wavanotaura.

“Ndoziva sei kana vachitumirwa mari nemurume vachidya zvavo vozongonyepa kuti havana kutumirwa?

“Izvozvi kwavari kugara vari kukwanisa kubhadhara rendi asi changu chikwereti havasi kuda nacho. Izvi zvinobva zvandiratidza kuti vari kundijairira,” akadaro.

Achiedza kuzvidzivirira, Ncube akati haakwanise kubhadhara mari iyi sezvo Mutseyekwa nemurume wake vakanga vawirirana kuti vaizobhadharana mari zvisina iye mukati.

“Murume wangu ndiye nyakutsvaga pamba pababa ava pataigara. Naizvozvo vanofanira kupedzerana nemurume wangu kwete kundiunza ini kudare. Ini handibhadhare mari iyi sezvo murume wangu akavimbisa Mutseyekwa kuti aizomutumira mari yerendi kubva kuJoni.

“Handina chekuita panyaya iyi sezvo ndisina chandakawirirana nevaridzi vemba, ngavanetsane nemurume wangu anova akavavimbisa kubhadhara mari iyi,” akadaro Ncube.

Mutongi Babra Masinire akati Ncube aifanira kubhadhara $87 kuna Mutseyekwa musi wa30 Nyamavhuvhu usati wapfuura.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×