‘Ipai mwanasikana kodzero dzake’

AFRICAN Women Goodwill Ambassador, Mai Nyaradzai Gumbonzvanda, vanoti vanasikana vanofanirwa kupihwa kodzero dzavo pasina rusarura, idzo dzinosanganisira kuwaniswa mukana wekudzidza zvakaenzana nevanakomana.
“Vanasikana vakakosha, ngatirege kuvadzvinyiririra kodzero dzavo dzakaita semukana wekuenda chikoro uye ngavasaroodzwa vachiri vadiki,” vakadaro.

Vanoti sangano remubatanidzwa renyika dzemuAfrica, reAfrican Union, rine chisungo chinokurudzira kuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi mune zvakaita sedzidzo nemumabasa.

“Tichitarisa vanasikana vari kusangana nematambudziko makuru muAfrica akaita sekubhinywa uye vamwe vanoroodzwa vachiri ndumurwa,” vakadaro.

“Tiri kubatana nyika dzese dzemuAfrica mukurwisa kushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana. Ngatisiyanei nezvekuhwanda nemachechi nechivanhu senzira yekumbunyikdza vanasikana nemadzimai,” vakadaro Mai Gumbonzvanda.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×