Ishe Machingauta anofuga rake oga

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 11 (Ongororo: Enderero mberi)
Zvinhu zvakaipa, Chokupamba anoona kuti hapasisina chake munhu ndokuvararika nenzvivanze akananga musango umo akanyangarika “senjuzu yanyura mumvura” (115). Tinoona nhambanwa yevatambi (dramatic irony) apo muverengi kana vaverengi nemumwe kana vamwe vari munyaya vachiziva zvinenge zvichiitika izvo mumwe kana vamwe vanenge vasingazivi. Muverengi kana vaverengi vari kuziva kuti varwi vaRevai vari kudzoka vari vapenyu, asi Ishe Machingauta nevanhu vake vainge vasiri kuzviziva.

CHITSAUKO 12 (Nyaya yacho)

Utano hwaIshe Machingauta hunoramba huchiipa zvichibatana nekukwegura. Panombotsvagwa n’anga naRevai nemadzimbuya Choruma akada kumboedza mashiripiti ake, zvose izvi zvinoshaya basa. Nerimwe zuva ishe vanorarogomera nemuviri zvekuti kana kutaura chaiko vaimbotadza izwi ratorwa.

Revai anombobuda mumba yairwarirwa naishe kwava kuenda kusango pedyo neMutenure. Hazvizivikanwi kuti anonoitei ikoko asi adzoka anosvikoudza vamwe vose kuti vamboenda kudzimba dzavo, vaiti, aMufarinya naaMativava nemudzimai wake.

Vanomboda kuramba asi Revai anozokwidza izwi achiti aida kuudza vari pasi mashoko vari vaviri naasekuru vake.

Vachingoti bude, Revai anosunga nhehwe ndokutakura ‘asekuru vake nefudzi, kwava kunanga kudondo kwaakambenge aenda kuchimusasa chaakange avaka zviye zvaakabuda mumba.

Apindamo anovaradzika panhehwe pedyo nemoto waainge akuhwidza. Pave paye anotanga kudemba neshungu dzekurwadziwa kwaiitwa nasekuru vake ishe vanobva vagomera ndokukosora gosoro rinotyisa ndokusvipira pasi.

Vanosimudza musoro ndokuti gwadara pasi zvakare Revai kwava kuvatsigira ndokuvanwisa mushonga waakanga apiwa nen’anga yavo achiedza kuvasimbaradza.

Ishe vanotanga kutaura nezwi riri kure kure zvekuti Revai anofaranuka ofunga kuti vainge vobepura. Sekuru vanozosvika pakufuga ravo vega. Revai ndokushiringinya kutakura chitunha kuchiendesa kuninga. Anozotora mafendefa ndokuvhara musuo wechipako chemuninga umu chaaive avaradzika murunyararo ndokutenda vadzimu vake achivapira kuti mwana wavo ainge atevera mugwara ravo.

Mushure mezvo anobuda muninga kwava kunanga kumusasa wake uko anosvikotora nhehwe dzaakanga asiya kwava kunanga kumusha achizvinetsa kuti ainosvikovaudza achiti kudiniko vemhuri yake kumusha uku aMativava vanobvunza ‘aMufarinya nemukuru wavo Ruramai nezvechishamiso chainge chaitwa neRevai ndokufunga zvekuti vafambe vachingotsvagawo muzvitondo, zvimwe vangovawana pavakahwanda. VaMufarinya havabvi vabvumirana ipapo asi vanozozviona kuti yainge iri pfungwa yakanaka kunovatsvaga asi pokutangira ndepapi.

Ruramai anowiriranawo nazvo zvekuti vanovatsvaga, ipapo Revai ndokubva asvika akatakura nhehwe nenhava yake ndokubva ananga mumba yaambuya vake vakuru vose ndokuteverawo. Revai anovapira mafambiro aakanga aita ose ndokuzovaudza nezverufu rwaasekuru vake.

Vose misodzi inochururuka vachichema Machingauta pasina aibongomora kuridza mhere. Revai anotsanangura paainge aviga sekuru vake.

Kwapera mazuva mana, Revai ndokugara nemhuri yake ndokuwirirana kuti mhere iridzwe nekuti vakanga vagadzirira chivanhu chese chaidiwa. Madzimai ashe akamboda kuedza kuti anovaratidza apo ainge aradzika sekuru vake asi iye anoramba nekuziva kuti yaive mhiko inoera kupinda nevakadzi muninga.

Vanhu vachinzwa nezverufu rwamambo wavo vanomushuva zvikuru nekuti vaimuda. Revai aizokwanisa kutevedzera gwara ravo here?

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×