Girls high ine zvikwapuro . . . ‘Mabhuku ndiko kudya kwangu’

VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vasatambise mukana wavanenge vawaniswa nevabereki wekudzidza nesimba sezvo fundo iri iyo nhaka yeupenyu.
Kurudziro iyi yakaitwa naWadzanai Mwashita, uyo ari kuita Form 6 paHarare Girls High ari zvakare senior prefect pachikoro ichi, achiti haafarire tsika inoitwa nevamwe vana yekusakoshesa dzidzo.

Wadzanai akatora mubairo mushure mekukunda vamwe vana veForm 6 muzvidzidzo zvinoti Accounts, Business Studies neEconomics.

Mibairo iyi inosanganisira mabhuku ekuverenga neekunyorera, mukombe pamwe nebhachi rinopfekwa neshasha bedzi munyaya dzedzidzo pachikoro ichi.

“Nyaya yeruzha mukirasi inokanganisa zvikuru, kunyanya apo munhu unenge uchiedza kuverenga nekunzwisisa zvange zvichidzidziswa nemurairidzi. Ndinokurudzira vamwe vana kuti vasatambise mukana wavanowaniswa nevabereki vavo, wekudzidza kuburikidza nekushanda nesimba,” akadaro Wadzanai.

Anoti shuviro yake huru kubudirira mumazamanishoni eZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) ayo vachatanga kunyorwa mumazuva mashoma ari kutevera. “Ndinoshuvira kupasa zvinodakadza mazamanishoni eZimsec, ndinoziva ndichabuda nemapoinzi anodarika 12 nekuti ndinoverenga zvikuru, mabhuku kudya kwangu,” akadaro Wadzanai.

Akaenderera mberi nekukurudzira vamwe vana vechikoro kuti vakoshese kunamata achiti Mwari ndivo vanotungamirira pane zvose.

Mukuru weHarare Girls High, Dr Beauty Mutsambiwa, vakarumbidza vana vakaita saWadzanai vachiti ndivo vanosimudzira mureza wechikoro chavo.

Vakati zvakakosha kuti vana vechikoro vanoshanda nesimba vatunzvaidzwe nekupihwa mibairo kuti varambe vachinzwa manyuku-nyuku.

“Mwanasikana haatane kuramwa, anotoda kupembedzwa nguva nenguva kuti arambe achishanda nesimba.
“Ndokusaka muchiona tichiedza kuti vese vanenge vachiratidza kuti vanogona vanotunzvaidzwa nemibairo gore negore.

“Tinobatsira zvakare kuti shasha dzedu dziwane nzvimbo kumayunivhesiti ane mukurumbira pasi rose,” vakadaro Dr Mutsambiwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×