‘Kuverenga ndiwo mushonga bedzi’

MUSIKANA anovA chikwapuro paHarare Girls High anoti vana vechikoro vakawanda vanokundikana muzvidzidzo zvavo nemhaka yekutungamidza kutamba vasingazvipe nguva yekuverenga mabhuku yakakwana.
Nyasha Muchenga, uyo ari kuita Form 1 pachikoro ichi, anoti ishasha muzvidzidzo nekuda kwekuverenga mabhuku uye anoedza napose paanogona kushandisa mukana wenguva yaanenge awana.

Nyasha akakumba mibairo yezvidzidzo zvinosanganisira Mathematics, Accounts, French, Food and Nutrition uye ndiye zvakare akaenda nemubairo wekukunda vamwe vana vose veForm 1 pazuva reSpeech and Prize Giving Day iro rakaitwa pachikoro ichi nguva pfupi yadarika.

Anoti anoshingairira kuve munhu akarongeka nekuti anoziva kuti dzidzo ndiwo musimboti weupenyu.
“Kuverenga mabhuku ndihwo hwaro hwekuti ani naani akunde muzvidzidzo zvaanenge achiita. Ndinoedza kushandisa nguva yekuverenga yatinopihwa kuchikoro nekuti ipapo ndipo pandinobata kuti mudzidzisi anga achiedza kutii,” akadaro Nyasha.

Anoti zvakakosha kuti mwana wechikoro azive kwaanobva, izvo zvinomubatsira kuti ashande nesimba pamwe nekuve negwara rakatwasuka.

Akashora tsika inoitwa nevamwe vana vechikoro, yekunyepedzera kuita sevanhu vakasimukira muupenyu kumhuri kwavo kana vari pane vamwe, achiti izvi zvinoita kuti varasike mugwara zvachose sezvo kazhinji vana vanodaro vanodzikira zvakanyanya muchikoro nekuti vanenge vasina chinangwa.

“Vamwe vana vechikoro vanorasika nekuda kurarama upenyu hwepachivhitivhiti uye izvi kazhinji zvinoita kuti vakundikane muchikoro nekuti vanenge vava kutandanisa tsuro mbiri. Zvakakosha kuziva kwatinobva torega kuita zvekuonererwa,” akadaro Muchenga.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×