Glen View 2 High ndiko kuti dzidzo!

Daphne Machiri —
GWARO idzva rekuvandudza dzidzo munyika, reNew Curriculum, rakakosha zvikuru sezvo richipa mwana wose mukana wekuti aratidze tarenda rake.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, pachikoro cheGlen View 2 High School, muHarare apo chaipihwa mubairo mukuru weSecretary’s Merit Award.

“New Curriculum inopa mukana kumwana wose kuti aratidze chipo chake kuburikidza nezvidzidzo zvakasiyana semitambo, kuveza, kurima, kukosha kwezvicherwa pamwe nemhuka,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti New Curriculum haitarise vadzidzi chete sezvo yakanangana nekusimudzira varairidzi zvakare.

“Tisingakanganwe zvakare kusimbaradza kuumbwa kwesangano reTeachers Profession Council iro richange richiona mashandiro akanaka evarairidzi nedonzvo rekusimudzira basa revadzidzisi munyika,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti Glen View 2 High yakapihwa mubairo weSecretary’s Merit Award zvichitevera kushanda kwairi kuita nesimba.

“Pakupihwa kwemubairo weSecretary’s Merit Award, kunotariswa zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kupasa kwevana, zvivakwa, mabhindauko anoitwa kusimudzira chikoro nezvimwe zvakaita sekufambirana neruzivo rwechimanje-manje zvakadai seE-Learning.

“Naizvovzo tinotenda mukuru wechikoro VaAlfonso Gwarasimba pamwe nevadzidzisi nekuva nemwoyo pabasa, vabereki pamwe nevana vechikoro,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Dr Utete-Masango vakaparura zviri pamutemo bhazi idzva rakatengwa nechikoro ichi. PaGlen View 2 High panorimwa zvirimwa zvakasiyana pamwe nekuchengetwa zvipfuyo zvakaita setsuro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×