Goho roongororwa nemichina

Kingstone Mapupu

VARIMI vanonzi vave kukwanisa kuwana mikana yokuziva goho ravachawana, zvirimwa zvavo zvichiri muminda, kuchishandiswa ongororo inoitwa nemuchadenga nemichina yemadrone.

Madrone aya anobhururuka pamusoro peminda, achiverenga uwandu hwemadzinde nekuona kubereka kwakaita zvirimwa.

Zvose izvi zvinoitwa neimwe kambani inowanikwa muguta reHarare, iyo ine chikoro zvakare chinodzidzisa kubhururutswa kwemadrone.

“VaSoul Parafini (23), vanove client relationship manager mukambani iyi, vanoti ishungu dzavo kuti murimi azive goho rake zvirimwa zvichiri mumunda.

“Tine chikoro chinodzidzisa varimi kushandisa michina yemadrone sezvinoitwa kune nyika dzakabudirira dzepasi rino.

“Pachikoro ichi, tinodzidzisa varimi kubva kumatunhu akasiyana-siyana vanouya vari muzvikwata.

“Vanotora masvondo maviri kuita zvidzidzo izvi.

“Vapedza, vanounganidza mari yavo, vonotenga madrone aya, anobhururuka pamusoro peminda yavo achitora mifananidzo nemavhidhiyo, kuchionekwa mamiriro akaita zvirimwa zvavo,” vanodaro VaParafini.

Madrone achiratidzirwa

Vanoti panomhara madrone aya pasi, varimi vanotora mifananidzo yose inenge yatorwa nemichina iyi, voiongorora maererano nemamiriro akaita minda yavo, mukati nekumapeto kwose.

“Mifananidzo iyi inotaridza goho remunda wose nenzvimbo dzine makonye, izvo zvinobatsira kuti varimi vakurumidze kumwaya mishonga inodiwa . . . Madrone aya anobhururutswa zvirimwa zvichiri zvidiki nekunge zvave pakati nepakati uye pazvinenge zvaibva,” vanodaro VaParafini.

Michina iyi vanoti inoshandiswa zvakare pakuongorora masango nemapani emumapurazi kana munhu achida kutenga nzvimbo, madrone aya achiverenga kukura kwenzvimbo nemahekita kana maeka, nekuonawo mamiriro akaita nzvimbo yose.

“Pakutenga nzvimbo, varimi vanogona kubiridzirwa; imwe nguva votaurirwa kuti purazi rine mahekita zana kana kuti churu, izvo kwete.

“Mukabhururutsa madrone, anoverenga chaizvo zviripo, pasina kupotsa, moziva. Anoshandiswawo kutsvaga zvipfuyo chaizvo zvakaita semombe kana mbudzi.

“Varimi vanogona kushandisa madrone aya kuti zviite nyore kuziva kune zvipfuyo zvavo, uyewo kutarisa mhuka dzesango dzakaita seshumba kana dzimwe munzvimbo dzenyu, moziva kwadziri,” vanodaro VaParafini.

Vanoti, vachishandisa michina iyi, vanogona kuona mvura iri pasi pevhu.

“Michina iyi inotinha mombe kana makwai nembudzi, varimi vachishandisa ruzivo rwatinenge tavapa,” vanodaro VaParafini.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×