GRADE 7: Gona kupatsanura, kubatanidza mazwi

Ticha Danga
CHIKAMU chapfuura taitarisa kuti tingabatsirane sei nenyaya yemitemo yekunyora. Nyaya iripo ndeyekuti tinoda kuti titsvage nzira dzekuti vanyori vebvunzo vasarasa zvibodzwa zvavo nenyaya dzinogona kugadziriswa.

Chero mwana angagone zvirungamutauro zvemhando yepamusoro agosvisvina chiShona chamandorokwati, asi pakunyora orasika. Tinoda kuti chiShona chisvisvinwe kunyorawo kwacho wova mutserendende zvobva zvaburitsa goho guru.

Tiri kuenderera mberi tichitarisa kubatanidzwa nekupatsanurwa kwamazwi.

Tine nhego dzemutauro dzine mazita anonyorwa akabatanidzwa. Nhengo dzemutauro idzi dzinoti chitaridzi (demonstrative) chipauro (adjective), chiverengi (enumerative), chisarudzi (selector) nechirevahuwandu (quantitative).

Mazita ari pasi penhengo idzi anonyorwa akamira ega, sekuti “ambuya avo” (avo chiratidzi), “ane motokari itsva (itsva chipauro), “vane mombe nhanhatu” (nhanhatu chirevahuwandu), “vakasvika iye asipo” (iye chisarudzi).

Kana pakava nekudzokorodzwa kwechipauro, chitaridzi kana kuti chisazita (pronoun) izwi racho rinonyorwa sezwi rimwe chete pasina kushandiswa kwechisengazwi (hyphen). Mazwi aya ndiana imimi, iwewe, inini, pfupipfupi, dzvukudzvuku kana jenajena. Zvinosiyana nedzokororo yechiverengi (enumerative) iyo inoti shoko rinonyorwa muzvikamu zviviri.

Ndipo panobuda mazwi akaita sa“chega chega”, “vese vese”. Zvakafanana nechisarudzi (selector) uye chirevahuwandu (quantitative).

Mazwi iwaya anopatsanurwa sekuti uye uye, chimwe chimwe, mbiri mbiri. Hapaiswe kasungaizwi.

Zviito (verbs) zvinomira seizwi rimwe chete. Zviito ndizvo zvakafanana nekuti kubika, sakura, cheka, vata kana funga. Chero zviito zviine zvivakazwi pedyo nazvo, mashoko iwayo anonyorwa seizwi racho. Ndipo patinowana mazwi ana vakafumosakura, akaswerofamba, anogarodunura.

Musiyano pazviito unozouya kana chiito chodzokorodzwa. Kana chiito chadzokorodzwa chinonyorwa chakapatsanurwa nechisungazwi sezvizvi: akacheuka-cheuka, anopinda-panda, vakachema-chema.

Zviitogama (auxiliary verbs) zvinonyorwa zvisina kubatanidzwa. Zvinomira zvoga. Zvikaiswa muchirevo chizere zvinomira sekuti, “akazvarwa ari oga” (ari), “anoita kunge muRungu” (kunge). Zvimwe zviitogama ndezvinoti: ane, vakati, akanga, achiri, aive, ave, ari.

Mazwi anouya kwekupedzisira kwezita anonzi zvinamatidzwa. Ndiwo mazwi ana ba, zve, ko, su. Namatidzwa dzose dzinonyorwa dzakabatana nezwi racho riri shure kwadzo sekuti kweteba, ndipewozve, unozviitireiko, uyazve kana hauzivisu.

Zvivakazwi zvinonyorwa zvakabatanidzwa neizwi riri mberi kwazvo. Zvivakazwi ndizvo zvina ndi, na, dze, ne, se. Zvinonyorwa zvakadai: vakasimba senzou kwete kuti vakasimba se nzou, sekuru vauya nebhazi kwete sekuru vauya ne bhazi. Ane hanganwa dzegunguwo.

Tonyora nyaudzosingwi muzvinyorwa zvedu ngatiterere kuti nyaudzosingwi idzi dziri kutaurwa sei.

Kana nyaudzosingwi dzichidzokorodzwa dzinonyorwa semazwi akaparadzana.

Kuparadzana kwamazwi aya hakudi chisungazwi (hyphen). Tinoti tatara tatara kufamba, boi boi kubwaira, kata kata kukwira, tocha tocha, ware ware kana mboya mboya.

Nyaya yekupatsanurwa kana kubatanidzwa kwamazwi inoda kuongororwa zvikuru nekuti inokanganisa chinyorwa chaifanirwa kubuda zvakanaka. Ingava iri nzwisiso chaiyo kusvikira murondedzero.

Vanokwenya mapepa evana ndizvo zvinhu zvavanotarisira chose nekuti vanenge vakapihwa mirairo yekushandisa mukukwenya kwavo.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×