Ticha Danga
ZVINHU zvakawanda zvikaunganidzwa kuita dutu zvinodaidzwa nemazita azvo. Zvimwe zvinogona kunge zvichitozvifambira zvega asi zviri pamwe chetewo zvopihwawo mazita.
Kana mombe dzakasungirirwa pajoki dzichizvuva ngoro kana dzichirima dzinonzi chipani chemombe. Kana dziri mombe dziri pamwepo dzinonzi danga remombe.
Zvino vafudzi vemombe vakaenda nadzo kumafuro zvokuti dzinonozadza mafuro ose. Kana dzawanda kudai tinoti yava farandanda yemombe.
Mumatimbiswa tinorima mupunga uyo watinozocheka kana waibva tichiisa mumatengu, tswanda kana masaga tichimirira kuzopura kana kupurura. Mupunga iwoyo watinotsokera mumatengu tinoti shoshe yomupunga kana kuti mutsitsi wemupunga.
Mupunga iwoyo tinogona kunoukuturira muchivakwa chimwe chete sedura asi usati wapurwa tichingotutira. Kana wawanda kudai tinoudaidza kuti dara remupunga.
Tinozosvika zvino pakupura mupunga uya kubvisa mashanga tozouisa mukamuri rimwe chete. Tinobva tazoti dura remupunga, ngatingwarirei kuzogona kupa musiyaniso padara remupunga nedura remupunga.
Matondo namasango anowanikwa miti yakasiyana. Kana miti iyi yakamera panzvimbo imwe chete tinoti bumburudzi remiti. Tinogona zvakare kuti chichesi chemiti.
Kana iri miti iri pachuru yakawanda tinoti zuru remiti. Kana yava mizhanje yakawanda kuita sango tinoti jiri ramazhanje.
Micherowo inogona kuwanda mumiti yotoita zvekurembera. Kuwanda ikoko kwemichero yakawanda yakarembera kunonzi marembesanwa.
Tinocheka huswa tichida kuzopfiririsa dzimba nekusosera mapindu. Patinocheka huswa uhu tinounganidza tozosunga nemakavi hunonzi chidzoto kana kuti chiswa. Tinodeedza huswa huya hwakasungwa kuti chimwanda kana kuti mwanda wehuswa.
Kana hwava huswa hwekupfiririsa hwakarukwa hunonzi kenya kana ngenya rouswa.
Masvosve anowanza kufamba ari mumudungwe achitevedzana. Kana taona masvosve aya tinoti muzere kana kuti mundaza wamasvosve.
Mapfunde kana akohwewa anochekwa achiunganidzwa pamwe chete.
Kana akaunganidzwa pamwe chete asi iwo asati apurwa anodaidzwa kunzi mutanga wamapfunde.
Kana achinge ari mutswanda asati apurwa anonzi mutsitsi wamapfunde kana shoshe yamapfunde.
Vanhu vanososera mapindu avo namasanzu. Kana masanzu aya ounganidzwa pamwepo tinoti dyisatyani ramasanzu kana ari matura akawanda ari panzvimbo imwe chete tinoti dzatsa ramatura.
Mabhanana anozvarwa pamwe chete pamushinga wawo. Mabhanana iwaya akawanda ari pamwe chete tinomati musumburumbu wemabhanana.
Vabatiwo vehove vanodzitakura dziri pamuchingiriro mumwe chete. Hove idzodzo dzinonzi musumburumbu wehove.
Madora anowanikwa zvakare achifamba pamwepo akawanda obva adaidzwa kuti gwamba ramadora.
Matanda akatemwa akaiswa pamwe chete anonzi chongo chamatanda.
Nzungu dziri pamwe chete dzisina kutokonorwa dzinonzi chimhutwa chenzungu.
Nyuchi dzakawanda dzichibhuruka pamwepo tinoti mukuze wenyika.
Kana zvinhu zvakawanda zvakarongwa pamwepo tinoti ungwandangwanda hwezvinhu.



