Oroverwa machipisi neyogati

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUKOMANA wekuoneswa ndondo nemusikana waakarambana naye achiroverwa kuti adzore mari yaakamutengera yogati nemachipisi panguva yavaidanana akatozopotera.

Brightwell Murukwe akaudza dare reHarare Civil Court kuti Kupakwashe Makuwo anogara achimutuka, kumurova nekumutevera kubasa achikwereta vakuru vake vepabasa mari.

“Ndakaona kuti ini nemusikana uyu hatikwanisi kuramba tichifambidzana nekuti anoshupa zvisina akamboona. Nepamusana pepamuromo pake, ndakarambana naye asi ave kungonditevera kubasa kwangu achida mari kubva kwandiri yezvinhu zvaakanditengera pataifambidzana.

“Akati akanditengera mudzipanyota, akatenga nechikafu chataidya tese izvi akati zvaiita $60 saka ari kuda mari yacho. Ini semunhu asingade zvekutaura, ndakamupa mari iya,” akadaro Murukwe.

Akaenderera mberi kuudza dare kuti Makuwo akasvika pachinhano chekukumbira mukuru wake wekubasa mari inokwana $10, mari yeyogati pamwe nemachipisi avakadya munguva yavaidanana.

“Pamusoro pazvo changamire, musikana uyu akakumbira mari kuna bhasa wangu achiti ini ndaizovadzosera sezvo ndakanga ndisati ndapedza chikwereti chake.

“Akandivinga nedanda raakashandisa kundirova achiti aiva ne$20 yekuti ndikamusungisa aikwanisa kuzviburitsa muchitokisi.

“Chichemo changu kuti mundidzivirire. Ndapedza kubhadhara mari dzese idzi, akauya achiti anoda mari yaakashandisa kutenga machipisi pamwe neyogati panguva yataidanana. Ini ndave kutoona kuti ave kutoda kuita mari neni,” akadaro Murukwe.

Makuwo haana kuuya kudare kuzopawo divi rake.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akapa Murukwe gwaro redziviriro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×