Ticha Danga
CHIKAMU chakapfura taitarisa mafambiro akaita nguva zvichidudza kunemerwa kwamazita emwedzi kuburikidza nezvaiitwa nevanhu munguva iyoyo. Zivo yakabva kure chose, chizvinozvino chinouya nekuedza kutsvenenzvera zvakatarwa namazuva aya akapindana.
Kutaura kuno kudai pasi rose rakatora irworwo ruzivo rwechinyakare kwava kuzotumidza avo mazita otoona mumagwaro nhasi uno.
Chikamu chakapfura takabata Ndira, Kukadzi, Kurume, naKubvumbi. Tinorusimudzira tichibata mimwe mwedzi misere.
Mwedzi unotevera Kubvumbi ndiChivabvu.
Ndiwo mwedzi wekuchekwa kwezviyo uye ndipo panochekwawo kana kuwabvurwa mapfunde.
Ndiyo nguva zvakare inoguka kana kudimuka maruva orwudzi rwemhandwe.
Nokudaro, mwedzi uyu unodaidzwa zvakare kunzi Bandwe.
Nhengo dzezviyo dzinosunga zvakare munguva iyoyi. Ndiko kusaka uchinzi zvakare Rusunganhengo.
Mwedzi unotevera ndiChikumi. Munguva iyi mabasa makuru okurima muminda nekukohwa anenge apera.
Uyu ndiwo waitorwa semwedzi wekupedza gore kana kuti kukumikidza gore sezvo chikafu chose chinenge chave mumatura. Uyu mwedzi wechando apo vanhu vanorarama vachigwagwadza nechando.
Chikumi anoteverwa naChikunguru. Ndiwo mwedzi unopurwa zviyo, mhunga nemapfunde.
Mhuro dzaiswera dzichikungurutswa paruware ukuwo dutu remhepo rainge richipupurutsa hundi nemashanga.
Kunozouya Nyamavhuvhu uyo unova mwedzi wemhepo chaiwo. Mumwedzi uyu mhepo inovhuvhuta zvikuru ichipepeta ivhu nekurimwaya mudenga richitosvora vanhu mumaziso.
Kunovhuvhuta madutu chaiwo emhepo anokonzera kamwando. Nekuda kwemhepo iyoyo, vanhu vanoparuka makanda avo.
Nyamavhuvhu anoteverwawo naGunyana.
Ndiwo mwedzi apo shiri dzinochechenya many’ana.
Matendere eshiri anenge azere manyana munguva iyoyo, ndiko kusaka vakuru vakati mwedzi weGunyana mwedzi weRunyana.
Tabva mukuona kuwanda kweshiri munaGunyana tinopinda mumwedzi vanhu vanoita mabasa makuru ekugadzirira kurima. Vamwe vanenge vachishanyura nekutakura mifudze ichiiswa muminda.
Mumwedzi waGumiguru zuva rinopisisa zvikuru richikwezva mvura yenhuruka. Ndiwo zvakare mwedzi wegumi wegore.
Gumiguru unokumikidza mwedzi waMbudzi. Muna Mbudzi ndimo muya munoita mbudzi mazamu zvakanyanya. Mbudzana dzinowanda munguva iyi yegore.
Ndiwo mwedzi unorura mbudzi kudya tsonzowa kumakura. Mbudzi dzinenge dzonetsa zvakare dzichida kudya mbesa muminda munenge mosvibira kududza Zhizha kana maenza.
Zvaiera chose kuti munhu awanikwe mumwedzi waMbudzi zvakare mumwedzi uyu makuva kana mamwe mabasa echivanhu aisaitwa.
Mwedzi wekugumisira ndewaZvita. Zhizha rinenge ragundika apo zvinhu zvose zvinopenya zvinenge zvava zvizhinji chose.




