Tanganda Half Marathon yoitwa

ACHANGE ari makuwerere kwaMutare nemusi weSvondo apo shangwiti dzemujaho wekumhanya dzichakwikwidzana kumakwishu eTanganda Half Marathon.

Mujaho uyu uchange wakareba makiromita 21 uye shasha dzekumhanya dzinopfuura 500 dzichasangana paMutare Sports Club.

Kambani yeTanganda Tea Company gore rino iri kukotsvera mujaho uyu nemari inosvika US$14 000.

Nhengo yekomiti yeTanganda iri kuronga mujaho uyu, Tsitsi Kumadiro, anoti vakagadzirira zvose zvinodiwa kuti makwikwi aya abudirire.

“Tiri kutarisira shasha dzinomhanya dzakawanda gore rino kudarika dzegore radarika nekuti mujaho uyu wave kufarirwa zvikuru.

“Gore radarika, paive ne400 vakauya kuzokwikwidza uye gore rino pachauya vakawanda. Zvikoro zvakawanda zvakatizivisa kuti zviri kuuya kuzokwikwidza,” akadaro.

Shasha dzakahwina gore radarika dzinoti Elijah Mabhunu kuvarume naConstance Nyasango kumadzimai vari kutarisirwa kuzokwikwidza mumujaho uhu.

“Tine shasha dzakawanda dzine mukurumbira mumujaho wemarathon dzatinoziva dziri kuuya kuzokwikwidza dzakatotizivisa kare.

“Vamwe vacho havadi kuzivikanwa kuti vari kuuya nekuti vanoziva kuti zvinobatsira vamwe vavo kugadzirira zvakasimba saka vanenge vachihwandirana vozongonyoresa musi wemujaho wasvika.

“Asi tine chishuwo chekuti Mabhunu naNyasango vauye kuzorwira mikombe yavo yavakahwina gore radarika,” akadaro Kumadiro.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×