MAI Portia Tapfumaneyi, avo vekuita makore mana vachisunda zidumbu ravaifunga kuti imimba yekuroyiwa, vanoti munhu haafe kana Mwari asati oda.
Mukadzi uyu mumwe wevanhukadzi vakavhiiwa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital muchibereko chake mukaburitswa “chinhu” kana kuti “chinyama” chairema 25kg.
Mai Tapfumaneyi, avo vaigara pamba pevabereki vavo panhamba 6611 kuZororo, kuHighfield, vanoti panguva yavairwara dambudziko ravo raiwedzerwa nehama dzaivadzinga pamba.
“Regai zvenyu zvichinzi paunogumira kufunga iwe ndipo panotangira Mwari. Ndainge ndapererwa apo hama dzaindiramba, murume achibvawo atiza.
“Asi Mwari akapfeka imi veKwayedza kusvikira mauya pano muchida kutaura neni. Makazviona kuti pakutanga ini ndaisada kutaura nemi. Izvozvi ndava nani, vanhu vose vave kundichiva nekusimba kwandaita,” vakadaro.
Pari zvino Mai Tapfumaneyi vari kuriritira mhuri yavo yevana vaviri kuburikidza nekutengesa pamusika uri pedyo nechimwe chikoro chekuHighfield.
Mai Tapfumaneyi vanoti dambudziko ravave naro nderekuti vakadzingwa pamba pevabereki vavo naambuya vavo, amai vababa, nekuda kwechikonzero chavasingazive.
“Ndakatandaniswa pamba sembwa naambuya vangu munaNdira vaona kuti ndararama. Ndakazotorwa neshamwari yangu, Linda Kanyepi, uyo anoroja kamuri imwe chete kuZororo (kuHighfield). Ini nevana vangu tinoisa jira pakati togarawo rumwe rutivi iyewo rumwe rutivi.
“Saka nyaya hombe ndeyekuti ndinodawo basa, kunyange ripi kuti ndigone kuriritira vana vangu vaviri avo mumwe ari Grade 2 nemumwe muGrade 6 ndigokwanisawo kuroja,” vakadaro.
Mai Tapfumanei vanoti nekuda kwekusimba kwavaita, murume wavo, uyo akavatiza nekuda kwehurwere hwavaiva nahwo, ave kuvachiva achiti anoda kuti vadzokerane.
“Pane mashoko akawanda ekuti ndiri kuita zvechipfambi mumabhawa, ndeekunyepa. Vanhu vane godo neni, vaitarisira kuti ndife.
“Ndinoda kushandira vana vangu kuti vakure vagondichengetawo. Vamwe varume vanouya kwandiri vachiti vanoda kundiroora ini ndichiramba nekuziva dambudziko randakaona. Fungai makore 13 ndichishungurudzwa nemurume akazonditiza ndarwara uyu,” vakadaro.
Kune vanoda kubatsira mukadzi uyu vanogona kumufonera panhamba dzinoti 0772 441 126.



