Ticha Danga
TAKATANDARA, tikadzidza, tikanyora bvunzo ndokukohwa zvatakarima. Ndinovimba chiShona chedu takabuda zvakanaka chose. Kana goho redu rauya saizvozvi tichada kutsvaga nzvimbo kuzvikoro zvepamusoro. Muzvikoro izvi tinowana zvose zvidzidzo uye kune fundo yepamusoro kupfuura yatanga tichiita. Asika zvirungamutauro hazvishanduke nekuti tava kuzvikoro zvepamusoro. Chiripo ndechokuti madzidzirwo anenge oitwa ava kuda kuti mwana abate zvikamu chaizvo zvechiShona. Zvoreva kuti tava kumbopanana nzwisa yezvatichasangana nazvo kumberi.
MuchiShona chedu tichanosangana nemipanda iyo inoburitsa zvikwata zvinoiswa mazwi eShona. Mipanda yeShona inokwana makumi maviri nemana uye inoisa mazwi muushoma nemuuzhinji.
Mupanda wekutanga unonzi mupanda (1) uyo unopinza mazwi ana (mu). Mazwi anowanikwa mumupanda umu anosanganisira murimi, mukomana, munhu, mukadzi kana mufambi. Kana toenda mumupanda (2) tava kuisa emumupanda (1) muuzhinji.
Mupanda (2) unopinda mazwi anoti (va) vanhu, vakadzi, vaeni, varimi kana varume. Tinobva tapinda mumupanda (1a), ndiwo une mazwi anoti tezvara, baba, amai, sekuru, tete, sahwira. Mazwi aya akanangana nevanhu asi achitaurwa asina rukudzo.
Kubva apa tinopinda mumupanda (2a) umo tinoisa mazwi emumupanda (1a) anoratidza rukudzo. Ndimo mune mazwi anoti vatete, vatezvara, vasekuru kana vasamukadzi. Kune (2a) umo munopinda huwandu hwerukudzo sekuti vanatezvara, vanasekuru, vanasahwira kana vanababa.
Mupanda (2b) ndiwo wega unotakura izwi rechizezuru rekuti amai. Mupanda (3) une mazwi anotanga na(mu) sekuti muti, mundoza, mupinyi, musoro kana mutikiti. Kunotevera mupanda (4) umo mune mazwi emumupanda (3) muuzhinji sekuti miti mindoza, mipinyi kana misiwo.
Mupanda (5) unotakura mazita ezvinhu uye ndimo matinowana mazwi anoti shizha, fere, damba, bere, bindu, joki. Mumupanda (6) munoiswa mazwi aya muuzhinji sekuti matanga, mapere, matamba, mafere, mashizha.
Mupanda (7) unopinda mazwi anotanga na (ch). Mazwi aya anenge ari mazita ezvinhu sekuti chigaravakwati, chikoro, chirimo, choto, chikwama, chigaro, chambwa.
Mupanda (8) unouya uchiisa mazwi emumupanda (7) muuzhinji sekuti zvigaravakwati, zvikoro, zvirimo, zvoto, zvikwama, zvigaro, zvambwa.
Mupanda (9) unotora ushoma hwemazwi anoti, imba, imbwa, ingwe, ishwa, imvi, mombe, shiri, njiri, tsoko, hari. Aya mazwi haashanduki kana oiswa muuzhinji ndipo panopinda mupanda (10) kuisa mazwi aya muuzhinji asi asingashanduri zviperengo. Mupanda (10) unotora manzwi anoti imbwa, ishwa, imvi, mombe, shiri, njiri, tsoko.
Mupanda (11) unotakura mwazwi anotanga na (ru). Mumupanda umu munopinda mazwi anoti rurumi, rudzi, rupiza, ruringa, ruzviyo kana rukodzi.
Mupanda (12) unoshanda nemazwi anotanga na (ka) uye ndiwo mupanda unotakura manzwi anoti kashiri, kwamwana, karudzi, kahwiza, kasiyanwa kana kadhibha.
Mupanda (13) unouya uchidukupisa mazwi ari muuzhinji sekuti twushiri, twana, twurudzi, twurukodzi kana twudhibha.




