naIgnatius Mabasa
NYIKA yedu yave kutyisa. Mumwe murume akanga achienda kumusangano wechechi svondo rakapera achityaira mota yake. Akatanga kunzwa hope dzakanyanyisa. Sekutsanangura kwake, aiita sehuku yaurayiwa iri kudirwa mvura yafashaira kuti iundurwe. Ainzwa muviri wake wese kurukutika semapepa anaiwa. Maziso ake akanga achivhara zvekuti akanga ave kuita seane namo. Mota yake yakatanga kubuda mumugwagwa, achipota achimbovhunduka, osvinura, obva aidzosa mumugwagwa. Asi pane paakazonzwa kuti hope dziye dzadzoka nesimba rinenge rechipembere chiri kutunga makwenzi nehasha. Akabva aona mumvuri mutema wakanga wagara parutivi pake mumota.
Zvese izvi zvakanga zvichiitika mota ichifamba, mutyairi wayo achityairwa nehope.
Ari pakati pekunge arara, nekunge ari kutyaira mota yake, mumvuri mutema uye wakabva wati, “Shamwari waneta uye wanzwa nehope zvikuru. Rega ndikubatsire kudhiraivha. Chirara zvako, ini ndikuendese kwauri kuda kuenda.”
Murume uyu akabva arohwa nehana ndokupepuka, ipapo akaona kuti akanga achitofambisa mota akarara. Hope dzakabva dzapera, achibva apaka mota yake ndokunamata.
Mune imwe nyaya yacho, vamwe varume vaviri vakanga vaenda kunotora mota yavo kuTanzania uko. Vakafamba zvakanaka kusvika vasvika pabhodha reZambia. Vakagadzirisa mapepa avo nezvese zvaidiwa, vachibva vapinda munzira kuti vachienda kuHarare.
Asi vakabva vaona vanhu vaimisa mota, vachibva vafunga zvekutakura vanhu vaye kuti vawedzere mari yepeturu.
Vatakura vanhu vaye, mota yakafamba chimutunhu chakareba.
Mumwe wevaridzi vemota akanga akagara kumberi nasekuru vake akabva angotanga kuridza mhere achiti akanga arumwa. Akanhanhira chidhiraivho chemota, asi sekuru vake vakakwanisa kuburitsa mota mumugwagwa.
Mota yabuda mumugwagwa, mumwe murume uye akaramba ongoridza mhere achibidirika achiti akanga achirumwa nenyoka. Akachema akatambura zvekuti akatozoita zvekusungwa.
Asi chakazonetsa sekuru vemurume wekuchema kuti ari kurumwa nenyoka yaasiri kuona ndechekuti varume vaye vavakanga vatakura havana kuzovaona kuti vakaenda nekupi. Havana kana kuwoneka kana kubatsira, asi vakangoita zvekusvova senyoka.
Sekuru vakazosara voenda kumapurisa ekuChirundu kunotsanangura nyaya yavo, asi muzukuru wavo akanga atokuvadzwa.
Pave nesvondo nyaya iyi yaitika, asi muzukuru uyu akakuvara, akazvimba uye ari kungochema kuti ari kuramba achiona nyoka.
Saka kana zviri izvo zvatave sevanhu, uye kana mweya yetsvina yave kushanya, kufamba nekugara pakati pevanhu ichiita zvinhu zvinotyisa, chasara kwave kuti tirwe nemweya iyi.
Chasara kuti tizive kuti patinofunga kuti tiri tega, hatisi tega munyika.
Mweya yetsvina iri kuwanda nekuti vanhu vazhinji vave kutsvaga kuporofitwa, minana nezvishamiso. Vanhu vazhinji vave kutsvaga mari nekupfuma nenzira dzisina kujeka.
Nguva dzatiri kurarama dzave kutyisa. Haisi nyaya yekuti vane mota varege kutakura vanhu vavasingazive sezvinotaura mapurisa nguva nenguva, asi zvinhu zvizhinji zvatinoona nemaziso edu hazvisirizvo.
Mumwe munhu anogara kuNigeria akati munyika iyi kana usinganamate Jehovha, unogona kumedzwa nemweya yetsvina. Akati pavaigara, landlord vepo vaiuya kuzotora rendi yavo kupera kwemwedzi. Vaiti kana vapedza kutora mari dzavo, vobva vaenda. Asi vachingosvika pagedhi chete, vaibva vachinja kuita imbwa.
Munguva dzatatarisana nadzo dzeKirisimasi, ngatirangarire kuti nyika yakanga ine rima pakutanga, Mwari vakati ngapave nechiedza, chiedza chikavepo. Sarudza chiedza, usadzore murima nekuti rima harina hupenyu.




