Vahosi nzeve kwachu nanyachide

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe mukadzi akaratidza mutongi chidimbu chenzeve yake chakasara paakatemwa nebhemba nanyachide wake vachirwira murume.

Izvi zvakaitika mudare reHarare Civil Court apo Wendy Majonga akange amhan’arira murume wake, Raishan Moyo, achida gwaro redziviriro.

Majonga akaudza mutongi Diward Kwende kuti: “Ini ndakagara nemurume wangu asi mumba medu hamusisina mufaro kubva zvakauya mainini. Murume wangu anogara achindirova kana zvakakwidza. Zvakare anotora nhumbi dzangu achikanda panze, handizivi kuti ari kuda kundidzingirei pamba.

“Mumazuva apfuura, akandirwisa iye nemukadzi wake, mukadzi wake akanditema nebhemba nzeve yangu ikatodambuka. Ndakaenda kumapurisa ndichitobuda ropa, mupurisa ndiye akatozondiudza kuti chimwe chidimbu chenzeve hapasisina tikadzokera kumba kwavakandirovera tikanochiwana chiri pasi.”

Apa akabva aratidza dare chidimbu chenzeve yake chakakwachuka apo akatemwa nebhemba.

Moyo akapikisa mashoko ainge ataurwa nemukadzi wake achiti ainyepera dare.

“Mukadzi uyu ari kuda kundinyepera kuti ndini ndakamudambura nzeve asi vakadamburana vega nemukadzi wangu mudiki vachirwisana. Iye airwisana nemukadzi mudiki vachimukutsirana nemwana wake. Vakatoenda kumba kwake

vakamurwisa ini ndakatozoita zvekufonerwa nevanhu kuti vakadzi vako vari kurwa.

“Mukadzi uyu haadi kuona vana vangu vachigara pamba pangu iye aripo. Akanditorera magumbeze ese, ndava kutokumbira dare kuti rimutaurire

kuti andidzosere magumbeze angu,” akadaro Moyo.

Akati pavakawanana naMajonga, akauya nevana vake avo akachengeta kusvikira vakura asi nhasi uno vave kumukutsira vachimurwisa.

“Ndinoshaiwa kuti sei asingadi vana vangu asi vake vana vaakauya navo ndakamuchengetera kusvika vakure.

“Nhasi ndivo vaanotuma kuti vandirwise, ndizvo zvakazoita kuti ndikwature mumwe mwana musikana wake,” akadaro.

Mutongi Kwende akapa gwaro redziviriro kuna Majonga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×