Ticha Danga
TSUMO dzinowedzera hudzamu hwechiShona chatinotaura kana kunyora. Tsumo kutaura kwakapoterera asi kwakasimba zvekuti dzikashandiswa zvakanaka vanhu vanotapirirwa nemutauro wacho. Tsumo dzinodimurwa nepapfupi mashoko netsanangudzo zvakarebesa.
Munhu anokwanisa kutaurira vamwe kuti ndiri munhamo anenge asiri munhamo yakakura. Pane dzimwe nhamo dzekuti munhu hauzombokwanisa kana kutaura.
Ndipo panopinda tsumo inoti chinotaura ndechiri mumusungo, chiri muriva chinoti denga rawa.
Munhamo zhinji munhu anoita zvakanaka kana kuti zvitsvene ndiye anowanzotaurirwa basa rose rakaoma.
Pane dzimwe nguva iyeye munhu ndiye anopomerwa nekunenerwa mhosva.
Vanhu vaya havazombotarise mabasa akanaka anenge aitwa nemunhu uya. Vakuru vanozoti, “Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda.”
Chidende chinorema ndicho chine mhodzi. Izvi zvinoreva kuti munhu musvinu ane tsika dzehunu nechimiro chakanaka haatauri zvinhu zvisina maturo.
Kune vamwe vanhu vane mukondo wekuti vanoshandisa simba ravo kutorera vamwe zvinhu zvavo.
Vanovatorera nekuti vanovakurira. Kuita kwakadai ndiko kunoenderana netsumo inoti chaita chikoo chapembedzera.
Chimene chamandima kupakurirwa nenzara mugwaku uripo. Izvi zvinoreva kubatwa kunoitwa vane rushambwa nevanazvo. Munhu ane munyama kana rushambwa anodadirwa nevamwe sokunge asiri munhu akafananawo navo.
Munhu ane rushambwa zvakare anongopomerwa zvese zvese. Anongoti chose chaitika onzi ndiye. Ndokusaka zvichinzi chimene chezizi parafamba ronzi muroyi.
Kureva chinanga mangwana chinozokurevawo zvinoreva kuti ukachengeta chakaipa mangwana chinofuma chokuparidzira upenyu hwako iwe muridzi. Itsumo inoyambira vanhu kuti vataure zviitiko sezvazviri kwete kuda kunakurudza chakaipa nekuti chikazokupandukira unosara wava parumananzombe.
Kune chirema hakuna rufu. Kana pachinge paitika njodzi yakaomarara zvitori nani kuti vanhu vakuvare pane kufa. Kana munhu achinge akuvara vanhu vanomaira kuzomuona nekuti mupenyu, havauyi kuzobata aremadzwa mawoko.
Chinhu chose chakanaka nechakashata chine mavambiro acho nezvikonzero.
Hapana chinongotanga nekuipa pasina chakonzeresa kuti zvidaro. Ndiko kusaka zvichinzi chiripo chiripo ndarira imwe hairiri.
Dzimwe nguva hatitarisi zviri mberi kwedu. Tinongofunga nezvatawana nguva iyoyo.
Kana kuri kudya tongongwarira zvinhu zvinogutsa dumbu panguva iyoyo pasina kufunga nezvamangwana.
Kuita kwakadai kunotsiurwa netsumo inoti kudya tadya hedu asi hurindo ndehwedenga.
Rabva ngedera denhe kupinda gaya. Izvi zvinoreva kuti ukaona munhu osema chinhu chaaidisisa zvakanyanya anenge awana chimwe chinodarika chaaimbove nacho. Hukoshwa hunenge hwasiyana pava kudiwa zvitsva.
Nekuda kwehumbimbindoga munhu anogona kuzvikuwadzira mwana wake iye pachake.
Chinogona kuva chiri chinhu chaanenge achidisa nekuchikoshesa, obva azvikuvadzira oga pachake kufanana nehuku inenge yazvidyira mazai ayo. Ndipo panopinda tsumo inoti idikiti razvitirwa.
Dindingwe rinonaka richakweva rimwe, kana iro rokwevewa roti mavara azara ivhu.
Zvinoreva kuti vamwe vanhu vanofanira kuitira vanhu zvakaipa asi kana ivo vozoitirwawo vorwadziwa nekugumbuka.




