IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kurova seshuga mutii

NDAKAMBOSHANDA pane imwe kambani kwemakore gumi. Pamakore andakashanda pakambani iyi, ndakapedzisira ndave nehama neshamwari kubasa. Zvaive zvakareruka kuti ndiwane hama neshamwari pabasa nekuti ini nevanhu vandaishanda navo taionana mazuva ese, taikurukurirana, taidya tese, taiziva kana mumwe arwarirwa, kana afirwa, kana atenga mota, kana achata nezvimwe zvakadaro.

Saka zviri pachena kuti mabasa atinoshanda anotiswededza pedyo nevamwe vatinoshanda navo. Kune vamwe vandinotoziva vakapedzisira varoorana nekuti vakanga vasangana pabasa, vakanyatsozivana zvekuti pavakazopfimbana vakanga vave vematongo chaivo.

Ndiri kuenda kupi nenyaya yandiri kutaura? Inguva zhinji dzandakaona vanhu vanenge vasanganiswa nebasa vachizoramba vari shamwari kana hama. Asi ndakaonawo chimwe chinhu chinozoitika kana kambani ikavhara, kana kuti vamwe vakambomiswa mabasa zvekuti panosara vashoma-shoma chete. Kana vanhu vakanga vasanganiswa nekambani vakaparadzaniswa zvakare nekambani iyoyo, kazhinji hukama nehushamwari hwavakanga vanahwo hunobva hwafa.

Sei hushamwari nehukama hwevanhu vaishanda vese huchifa?

Mikana yekuti vanhu vaonane mazuva ese panenge pasisina. Vanhu vaisimboshanda vese vanenge varasirwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana kunge mbeu dziri kukushwa. Ichokwadi kuti mazuva ekutanga ekuparadzana kwevanhu panomboita kuramba muchionana kana kufonerana. Asi pasina nguva zvinongozopera.

Ndine shamwari nehama dzandakawana pamakore gumi andataura pataishanda tese, asi iko zvino tave nemakore mana taparadzana. Vamwe vacho handichavaona. Vamwe vacho ndikabvunzwa nevamwe vataishanda navo kuti vari kupi, handichaziva kuti vari kupi.

Vakarova seshuga yapinda mutii.

Nyangwe patinosangana iko zvino, nekuda kwekuti mazuva awanda, uye nguva yareba – nyaya dzedu ndedzekutamburira. Inhambetambe yenyota chaiyo kukokota mukombe.

Izvi zvakandiita kuti ndifunge hukama hwangu naMwari. Ndave kunzwisisa zvakanzi naJesu, “Garai mandiri, neni ndigogara mamuri.”

Kana ukagara muna Jesu, zvinoreva kuti wagara mushoko rake, wagara muhutsvene hwake uchiteerera nekuita zvaanotarisira muvanhu vake vanonzi maKristu. Kugara muna Jesu kuve munzvimbo inenge kambani – munoonana mazuva ese, munoswera mese, munotaura mese, munoenda kunodya mese, munoziva mari inotambirwa nemumwe, munoziva kuti mazuva ano akaomerwa nei, kana kuti ari kufadzwa nei. Munenge muine hukama, muchidyidzana.

Asi kufanana nekupera kwebasa repakambani rinoita kuti mumwe nemumwe aende kwake, kubva muna Jesu kunobvisa zvese zvaikubatanidzai. Unosara wave mutorwa.

Ichokwadi kuti unogona kuti Jesu ndinomuziva, nekuti mune nguva yamakanga muchiswera mese muchitaurirana. Asi kuzivana kwenyu, pamwe chete nehukama nehushamwari hwenyu hunobva pakuramba muchionana mazuva ese.

Zvakada kufanana nekuti une hama yako yakaenda kunogara kunze kwenyika. Hongu makakura mese, uye kana akakushanyira maitaura mese kusvika pakati pehusiku nekuti nyaya dzinenge dzichifashukira. Asi munhu iyeye akadzoka mushure memakore gumi kubva kumhiri kwemakungwa kwaave kugara, nyaya dzenyu hadzifanane nepamakanga muchiri pamwe chete. Hukama hwedu hausi mukuzivana kuti uyu ndiSekai kana kuti uyo ndiMunyaradzi. Hukama inzira inopfumbira nekuti ine vanofamba nayo. Kana vanhu musingaonane nguva zhinji, kana pakaita kuparadzaniswa nekuda kwekuenda kuchikoro kunze kwenyika kana kunoshandira kure zvekuti munoita makore musina kuonana, hukama hwenyu hunofa.

Kana newe ukaita hukama hwakadaro naJesu, zvekuti hamutaure mese, hamufambe mese, hamudye mese – musi waunozoda kuti akuitire chimwe chinhu anogona kuzokubvunza kuti ndiwe ani.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×