TSVIMBO
Unozviziva here kuti tsvimbo kana mudonzvo inomirira kana kuti inoreva simba kana hutongi. Kune tsvimbo dzinongori dzekufamba nadzo kuti munhu achembera kana kuti akaremara asadonhe. Asi kune tsvimbo dzinopihwa kubva kumadzitateguru. Dzimwe tsvimbo ndedzemhuri, dzimwe ndedzemashave uyewo dzimwe dziri dzemidzimu. Tsvimbo dzerudzi urwu dzinenge dziine zvikaranga nezvinoyera zvekuti hadzingopihwa kana kutorwa nemunhu wese wese. Asi mazuva ano ukaenda mumasowe unowanawo mapositori aine tsvimbo, dzimwe dzacho sedzemaporofita dzinoyera.
Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…




