‘Unza mwana wacho ndizvichengetere’

MURUME wekuti anoda kuti mudzimai waakaita naye mwana amupe azvichengetere oga akazoshaya pekupinda mudare nenyadzi apo akabvunzwa kuti mwana wacho akamuona anomuziva here.

Stanley Mateke akamhan’arira Priscilla Nyamadzawo kuHarare Civil Court achida kupihwa mvumo yekutora mwana wake kuti amuchengete.

“Ndinoda kupihwa mwana wangu ndichengete ndoga nekuti amai vacho kwavakaroorwa vakanzi vasauye nemwana saka akasiiwa mumawoko ambuya nasekuru avo vasiri kugona kumuchengeta zvakanaka. Ini semunhu anozvishandira, ndinokwanisa kumuitira zvose semwana wangu uye mudzimai wandakazoroora akabvuma kuti ndimutore,” akadaro Mateke. “Ndaimboenda kunomuona kwaambuya vacho asi ndakazoona zvisingaite zvakanaka semunhu akarambana nemwana wavo uye ndakambotumawo hama dzangu kuti dzinokumbira kuti ndipote ndichipihwa mwana ndichizodzosa asi vakarambira naye.”

Nyamadzawo akaudza dare kuti Mateke akapedzisira kuona mwana uyu achiine gore rekuberekwa asi iye zvino ave nemakore masere. “Changamire, kupa baba ava mwana kuita kunge kupa kumutorwa nekuti mwana wacho haatovazive baba vacho. Ava nemakore masere ekuberekwa asi akamusiya aine gore. Paanoti vabereki vangu havasi kumuchengeta zvakanaka kwandiri kutuka, anotofanirwa kutenda nekuti kubva paakandisiya pacho ndivo vaingochengeta kusvika nhasi. Iye akanga aripi panguva yose iyi?” akadaro Nyamadzawo.

“Vabereki vangu vari kutambira penjeni uye vane dzimba dzinovapa mari kuburikidza nemaroja zvekuti havasi kumboremerwa nekuchengeta. Varimo muno mudare uye vanogona kuzvipupurira, asi pasina izvozvo ini amai vacho ndinotumira mari yemwana yekungoti ndivabatsire. Dai ndakanga ndiri kunetseka kuchengeta mwana ndingadai ndakatora mendenenzi asi kwete, ndinokwanisa chaizvo.”

Mutongi Barbra Mateko akati vaviri ava vazodzoke kudare apo anozopa mutongo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×