Muchaneta Chimuka
KUDYA kwechinyakare kuri kuonekwa kwakakosha mukusimbaradza utano hwemhuri nekuti kune twese twunodiwa mukuvakwa muviri. Svondo rino, Kwayedza yakashanyira Paroots Restaurant, muguta reHarare, apo panobikwa kudya kwechivanhu sezvinyenza zvembudzi.
Apa, munyori uno (MC) akafamba “rwendo” rwose zvekubika zvinyenza aine nyanzvi yepo, Mai Mupositori (MP).
MC: Taona kuti pano munobika zvinyenza, mungatitsanangurirawo kuti chii chinonzi zvinyenza uye kuti zvinobikwa sei?
MP: Zvinyenza zvinoreva matumbu angave embudzi kana amombe ayo anobikwa akamonerwa pamaguru.
Chekutanga, tinoona kuti tageza mapoto nemandiro edu ochena. Tinoona zvakare kuti nharaunda yatinobikira yakachena, kusanganisira izvo zvitofu zvatinobikira nekuti huchapa hahudiwe pane zvekudya.
Tinotora matumbu nemaguru tozvigeza kusvika zvachena. Mushure mezvo, tinodimbura-dimbura nebanga tomonera matumbu aye pamaguru nenzira yakanaka kuti zvinge zvichikwezva uya anoda kudya. Tinozoisa mvura yakakodzera tobika mushure mekukanda munyu wakaringana nemafuta mashomanana zvokwata zvakadaro.Kuwanza mafuta muzvinyenza kunoita kuti nyama isanake, uye mafuta akawanda anounza zvirwere uye kana ari matumbu embudzi yakakora, hatiisi mafuta zvachose.
Kana mvura yave shoma, tinobva takanda matomatisi nehanyanisi toregedza zvichiibva zvakadaro.
Hakuna kana masipaisi atinoisa muzvinyenza kunze kwematomatisi, hanyanisi nemafuta bedzi. Kana zvaibva tinobura topakura kuti vanodya vazvibaye.
MC: Ko, zvinyenza zvinodyiwawo nemupunga here?
MP: Hationi zvakakodzera kuti vanhu vadye zvinyenza nemupunga asi vanoda havo vanogona kuita saizvozvo. Kazhinji zvinyenze zvinonyatsoperekedza kana riri sadza, ringave jena, remhunga, zviyo kana remapfunde.
Asi vamwe vanonakirwa nezvinyenza nemupunga une dovi zvekuti munhu anogona kuzviruma rurimi nekutapirirwa. Nezvinyenza, unopedza mukonde wesadza uchizogudubira jomupiyi remvura.
. Mune chikafu chamuda kuti vamwe vazive mabikirwo acho here? Nyorerai ku: NANZVIRA paEmail inoti [email protected] kana kuunza kumahofisi edu paHerald House, muHarare; paManica Post kwaMutare; paChronicle House, kuBulawayo kana kumahofisi eZimpapers ari kuMasvingo, Gweru, Chinhoyi nekuBeitbridge. Munogona kuchaya nhare dzinoti 0714 200 007.




