Ticha Danga
ZVOMBO zvekushandisa zvinoita kuti mabasa areruke uye aitwe nemazvo. Tine zvombo zvakawanda zvatinoshandisa kurerutsa mabasa pamusha. Zvombo izvi zvinogona kuva zviri zvesimbi kana miti.
Zvimwe zvinogonawo kugadzirwa nemachira nemapepa.
Vanhu pavakabva munguva yekugadzira zvombo namatombo vakabva vapinda mukupfura mapadza namatemo kuti mapadza namatemo zvigare pamupinyu kwaitodiwa muururo kana kuti muduriro uyo waibooreswa buri rekupinza mupinyi webadza.
Izvi vaizviita vachishandisa moto apo muururo waiswa mumoto kusvika watsvuka kuti piriviri wozobooreswa mupinyi.
Iye zvino kwava nenzira itsva dzisingashandise moto kuurura maburi.
Vanhu vava kuurura maburi vachishandisa anonzi mabhora kana madhiriri.
Hove dzinobatwa nenzira dzakasiyana kusanganisira kuraura nekuraudzira.
Vamwewo vanobata hove nekushandisa duwo kana kuti chikandira. Kana vanhu vachicheka zvinhu vanoshandisa banga kana mhesvi.
Kuti vanhu vabire nzizi dzakakura vanoshandisa igwa, kana vofamba mugungwa guru vanoshandisa ngarava nezvikepe.
Mhuka dzemusango dzine nzira dzakawanda dzinoshandiswa nadzo kudzibata.
Vamwe vanoita zvekuvhima vachidzinganisana nadzo nembwa netsvimbo. Vamwewo vanoshandisa musungo kana kuti dhibhura.
Kana chava chizarira chava chivakwa chamapango chinobata mhuka. Vamwewo vanobata mhuka vachishandisa inonzi hunza.
Hunza inochererwa pasi apo vanhu vanocherera chekuteyesa mhuka muvhu.
Shiri dzinogona zvakare kubatwa pachishandiswa ugombe kana mugombe.
Uyu musungu wekuteesa shiri unobata shiri huru sehorwe kana hanga. Vamwewo vanobata shiri vachishandisa urimbo.
Urimbo hunonamira nekudaro hunotsveterwa mumiti panomhara zaza reshiri dzobva dzanamira dzichizobatwa.
Dzimwe nguva urimbo hunoiswa paruware panomhara shiri dzichiteta makoto.
Pakubata mbeva, makonzo neshiri tinogona zvakare kushandisa riva rinova dombo rinoteiwa pakaiswa nzungu kana dovi zvinokwezva zvipuka.
Riva rinobata nekudhingukira pasi.
Dzimwe nguva tinogona kubata mhuka tichishandisa chikachikiro kana kuti chikirimbani. Chikirimbani chinobata mushure mekudhinguka kana chikwezvo chacho chadyiwa nemhuka.
Kuti gonhi kana kuti sasa risavhurike nemukati tinoshandisa chihuri.
Tinotema miti nekudimburisa zvinhu tichishandisa demo kana kuti sanhi. Kana totsemura huni tinenge tashandisa bheura.
Tinotemera nyora nenhavhaya kana reza.
Reza iyoyo kana kuti chisoro tinoishandisa kuveura misoro. Tinosona zvipfeko kana kuisa zviremo pahembe tichishandisa tsono kana kuti tsingano.
Tsono inodaidzwa zvakare kunzi nariti. Kana tosona masaga tinozoshandisa dumbo kana kuti dungo. Pakusona matehwe kana dzava bhutsu tinenge toshandisa mutsunda.
Zvikomana zvinotamba mutambo wekusika nyimo. Mavanosikira nyimo munonzi musikiro, musiko kana kuti guvi. Tinoshandisa murumiko kurumikisa zvinhu.
Varwi vanoshandisa nhoo kuzvidzivirira kubva mukukuvadzwa nezvombo zvemuvengi. Musuwo unokiyinurwa nesvumbunuro kana kuti kiyi.
Tinocheka huswa tichishandisa jeko kana kuti sekera. Sema kana nhindiri dzinobaiwa nemhayo kana kutikandye.



