A-LEVEL — MASIMBA: Sekai, aimbova musikana waTafi anotizira Chamu

Ticha Tichaziva

“NATSA KWAWABVA” naMusi Gloriosa Katerere

Mabiko ari kuitwa pamusha paamai nababa Chinokorei kuri kupembera kudzoka kwemwanakomana wavo Tafirenyika kubva kuhondo yerusununguko. Zvisinei nezviri kuitika, Tafirenyika ari kushushikana neizvo ainge asiya aitira Sekai, musikana waakambodanana naye. Anoyeuka kumuramba kwaakaita apo ainge amuitisa pamuviri.

Anzwa kudai, Sekai akabva abva panaTafirenyika kwava kuenda kudzimba dzaigara vasikana uko akasvikonwa mushonga unouraya mapete. Padiki-diki Sekai anopotsa afa asi pamuviri pemwedzi miviri panofukudzika ndobva azochinjwa kubva pakamba kuenda kune imwe.

Tafirenyika anozviona kuti apa ainge akakanganisa zvikuru izvo ainge asina kufunga nezvazvo achiri kuMozambique.

Pamabiko apa mukoma wake Chamunorwa akakundikana kuuya. Paanomuka mangwana, Tafirenyika anozvibvunza mibvunzo yakawanda maererano naSekai.

Kwapera mwedzi mumwe nechidimbu achimirira kushevedzwa kuHarare kuti azotanga basa, Tafirenyika anogamuchira tsamba inobva kuna Chamunorwa ichimuudza kuti ainge atizirwa zvino aida kunoroora mwedzi wapera, ainge achiuya kuzoratidza muroora vabereki svondo raitevera, uri musi weMugovera, nekudaro aikumbira Tafirenyika asvitse shoko iri kuvabereki, amai vake vafanogadzirira tunonaka.

Tafi anofadzwa nemazwi aya, kwava kuudza vabereki vake zvaive mutsamba iyi avo vanobva vatanga kugadzirira mwenga aizouya pamba pavo. Zuva rekuti mwenga auye rinosvika, VaRwaringei, sahwira waChinokerei achinzwika kuimba nechekumatanga vanhu vanobuda mumba ndokuona kasikana jira rakati kwidiba kumeso.

VaRwaringei vanoita nyambo dzavo vachiti ngakabvise jira iro, mwanasikana anoramba, ndokuzopfugama zvake nechepamberi pemukova. Tafi anobuda mumba akabata pondo mbiri dzaanoisa pamberi pemwenga. Paanobvisa jira anoona inga ndiSekai munhu ndokuwira pasi nemanhede.

ONGORORO:

Zvechokwadi vakuru vakatanga kuona zuva vainge vaona chokwadi cheupenyu apo vakaumba tsumo yokuti, “Natsa kwawabva kwaunoenda husiku. Kana iye muimbi mushakabvu ane mukurumbira anonzi James Chimombe akaimba rumbo rwunotaura nezvetsumo iyi. Tafirenyika akasiya akanya zvinhu apo ainge achiri Mozambique, zvino paanodzoka anosangana nezvaainge asingafungiri zvokuti kudzokera kumashure hapana chakwaibatsira.

Dai ainge asiya anatsira nekugamuchira pamuviri paainge abata vangadai vogarisana zvakanaka, zvose zvakatevera zvingadai zvisina kuzoitika. Muverengi unosara uchifunga kuti zvino chii chakazotora nzvimbo mumusoro mongosara nezwi rekuti “dai” chete. Apa ndipo patinoona kushandiswa kwemusambo uya weturikavhunduko (suspense) izvo munyoro anogona kuita.

Tikatarisa maperero anoita kanyaya aka zvechokwadi muverengi anosiiswa akaturikwa mumhepo ava kuzvibvunza mibvunzo yakawanda. Izvi zvinoita kuti ave nehavi yakakura yekuda kuverenga zvimwe zvinyorwa zvemunyori uyu. Nyaya inobva yanakidza kuiverenga kusvika kumagumo ayo. Apa musoro wenyaya unonyatsa kuenderana nezviri kukurukurwa.

Tinoona kushandiswa kwemandorokwati kunoitwa nyaudzosingwi (ideophones) nemunyori. Papeji 110 pane muenzaniso unonyatsa kuratidza musambo uyu. Zvinonzi, “Akasvikoti mukakabati kaive mumupanda vhurei, ndiye tsii pamuromo. Akaukwekweta kusvika bhotoro rainge rakazara rati bha ndokuriti pasi gwendere”.

Kuti tione kushushika kukuru mupfungwa naTafi maererano nezvaSekai, tinoona munyoro achishandisa musambo uya wemudungwe wemubvunzo.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×