
Kudakwashe Chinokuya
SANGANO rakazvimirira, reGreen Light International Trust, nguva pfupi yadarika rakabatsira vanhu vakaremara mitezo vanosvika 20 nezvekushandisa zvakaita semawiricheya nemakirachi.
Vachitaura pachiitiko ichi paSt Fidelis Roman Catholic Church, kuMabvuku muHarare, mukuru wesangano iri, VaTawanda Makwiramiti (29), vakati chishuwo chavo kuyamura vakaremara nevakwegura. “Vazhinji vakaremara havasi kuwana rubatsiro rwakakwana uye vari kushaya zvekufambisa zvakaita semawheelchair nemadhondoro. Vanhu ava vanoda rubatsiro nekuti vamwe vavo vanenge vachida kuita mabasa emawoko nekuenda kumabasa asi kana vasina zvinovabatsira pakufamba zvinovanetsa kuita zvavanodawo,” vakadaro VaMakwiramiti.
Vakakurudzira mamwe masangano akazvimirira kuti abatsire vakaremara mitezo.
“Tikada kutarisa kubva pakashaya VaJairos Jiri, hakuna munhu akazosimuka kuti anyatsotevera matsimba avo mukuita basa guru rekusimudzira vakaremara. Izvi ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvikuru zviri kuita kuti pasave nerubatsiro rwakakwana kune vakaremara.
‘‘Dai paita vemasangano kana vemabhizimisi vanopindira mukubatsira vakaremara.’’




