Tigere tatata: Murume wekuombera chikomba

VaSILAS Zambezi vaine mudzimai wavo Gladys Zambezi Nyamadzawo
VaSILAS Zambezi vaine mudzimai wavo Gladys Zambezi Nyamadzawo

MURUME wekuChitsvatsva, kumaruwa ekwaSeke pedyo neChitungwiza, wekugara nechikomba chemudzimai wake kwenguva refu achinyeberwa kuti nditsano vake, anoti iye nemukadzi wake vagere “tatata” zvisinei nekubuda kwenyaya iyi munhau.

Svondo rapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yaGladys Zambezi Nyamadzawo (42) uyo anoti akapfimba chikomba senzira yekuda kutsividza chipfambi chaiitwa nemurume wake, VaSilas Zambezi (40).

VaZambezi vanoti vairemekedza chikomba ichi, icho chakangozivikanwa nezita rekuti Munyaradzi, vachifunga kuti nditezvara wavo, hanzvadzi yemukadzi, kusvikira musi wavakazovabata vaviri ava vachishinha pabonde.

VaZambezi vanoti chikomba ichi vachichiremekedza sezvinodiwa netsika dzechivanhu, kutosvika pakuchibatsira nekuchibvakachira vasingazive kuti “vaidya vose pamuchero mumwe chete natsano Munyaradzi”.

Kwayedza payakaridzira VaZambezi nhare neChipiri svondo rino ichida kuziva mamiriro akange akaita zvinhu, murume uyu akatanga kuchema-chema achiti kubuda kwakaita nyaya iyi kwakanganisa upenyu hwake zvikuru.

“Makandikanganisa vakomana, makandiuraya. Inga wani ndakakumbira kuti musandiburitsewo munhau vakomana! Handisi kufara zvachose.

“Nemukadzi wangu tiri tose, akatoenda kuMozambique kunotengesa nekuhodha. Tiri kushanda kuriritira mhuri yedu imi mava kupindira kuparadza? Havasati vadzoka kuMozambique.

“Handichada kutaura nemi zvachose. I am not even at liberty to see you (handina kana kusununguka kukuonai). Kana kutaura nemi handidi, musauye kuno,” vakadaro VaZambezi vachidya marasha.

Zvisinei, pavakataura nevatori venhau pekutanga, murume nemudzimai wake ava vainge vakanyatsosununguka, vachiita kuimba chaiko mafambiro enyaya iyi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *