O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mugadzi naSekai havachataudzana

CHITSAUKO 3 (Ongororo: Enderero mberi)
Ko Mugadzi aigozoenda nepapi akagarirwa uku neuku “kunge mombe iri kupinda mudhibhi?” (35). Vaviri ava apa rudo pakati pavo runenge rwava kubvira, vanoonekwa vachitsvodana “kunge vachadyanana” (36) rurimi rwemumwe ruchipinda mukanwa memumwe rwobvongodza “kunge muramba uri mumvura” (36) rume rigoonekwa rava kufemera pamusoro “kunge munhu anga achimhanya” (36).

Tete vachitaura nemuzukuru wavo Sekai, vanomuyambira kuti ngaangorege kumira chete naMugadzi saka vachiti kwaari zvino azozviona kuti munhu haamiri negumbo rimwe chete “kunge hwowa” (18). Sekai anobva azvitsigira vatete vake vagoonekwa vava kufara nazvo “kunge vamwene vavigirwa muroora” (38).

Mugadzi nemukadzi wake Sekai vainge vogara vakatsamwisana saka zvichinzi vabereki “miromo yaive yogara iri mumhuno” (39).

CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho):

Apo Mugadzi anosvika kumba, murume anenge achitambura kutsvaga zano rekuti aizozviita sei kuti Lily azomushanyire, Sekai asingazvizivi. Zano racho rinoramba kukurumidza kuuya. Sekai ainge aita zvinhu zvainge zvisina kumufadza asi akaona kuti zvainge zvisingadi kuti aite zvekumukurumidzira kumuramba asati anyatsa kuona kuti zvinhu zvaizofamba nemutoo upi.

Musi uyu mukadzi wake aisimbomudziisira mvura yekugeza, apo anoona kuti haana kuita izvi anomubvunza kuti mvura yake haisati yapisa here, ndokubva apindurwa neano magaramwoyo okuti adii kubva ageza kuMarondera uko ainge ari? Anoda kunzwa achida kurova mukadzi wake asi anoshaya simba rokusimuka paakange akagara. Apa Sekai anotoita zvake kunge paive pasina chaainge ataura achienderera mberi nebasa rake rekubika. Zvinoonekwa kuti Sekai ainge adumbirwa neshanje.

Kudya pakunounzwa, Masimba anodya zvake asi haanyanyi mwoyo wake uchishushikana. Anongoti nyobvo nyobvo zvemutemo kwava kusimuka kupinda mumba make izvo zvinoonekwa naMugadzi ndokubva anzwa kunyara kukuru. Sekai kana zvake kuda kumbopa murume mvura yekugeza musi uyu kudzamara murume anogeza nemvura inotonhora achishinyira nehasha. Paanopedza kugeza anosvikozvikanda pamubhedha nechekuno Sekai achingogwedebudza gwedebudza midziyo yaaisuka, vana vatopinda mukamuri yavo yokurara.

Mugadzi anorara akaita manhede achifungisisisa, mudzimai wake ainge amugumbura ndokubva aona sezvinonzi ainge atonzi rambana naLily. Munhu anotanga kufunga zvekuita nemukadzi wake, ndipo panozouya zano rekuti Lily auye kuzomushanyira. Anofunga zvekutuma Sekai kumukoma wake kuKwekwe kuti anomuzivisa nezvekagirosa kaaida kutenga kuMufakose.

Usiku uhwu hope dzinoramba kumubvakachira achifunga nezvaLily. Ave mangwana anobata-bata mabhuku nekugudubudza zvinhu kuti Sekai amuke amugadzirire kudya kwemangwanani asingadi zvekumumutsa nemuromo achitya kuti angazopindurwa neimwe pfocho akasiya amuzvambaradza. Sekai anozvinzwa zvose asi anoramba akanyepera kukotsira. Mugadzi anoona zvisingabatsiri munhu ndokutorana naMasimba voenda chinyararire.

Mumazuva maviri anotevera zvinhu zvinongova zvimwe chete Mugadzi achishaya mukana wokutaura. China chinosvika asati ataurira mukadzi wake pasina kwaainge aenda zvekuti Sekai anenge ati nyevenukei ava kufunga kuti pamwe murume ainge apfidza asi kufungira kwainge kusati kwapera, kutaudzana kwave kushoma, Sekai akagumbuka nekuti aishaya painge pane makiyi esefa. Musi weChishanu amboti nwire nwire, Mugadzi ndipo paanozofunga zvekutaurira mukadzi wake zano rake.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×