Gwaro rekuvandudza dzidzo ravepo

Farirai Machivenyika
HURUMENDE iri kupembedzwa nekuda kwechirongwa chairi kuita chekuvandudza dzidzo yepamusoro senzira yekusimudzira maindasitiri nekuwaniswa kwemabasa munyika.

Muhurukuro nenyanzvi dzakasiyana dzezvemaindasitiri, dzekutengeserana nedzedzidzo, dzinoti dziri kutambira chirongwa ichi nekuti chichabatsira mukusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Pamusangano wedare reCabinet uyo wakaitwa masvondo maviri adarika, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira – avo vanova zvakare sachigaro weCabinet Committee on Human Capital Development, Skills Audit and Employment Creation — vakatura gwaro rinotsanangura hurongwa uhu. Chinangwa chegwaro iri ndechekuvandudza dzidzo yepamusoro kuti inge ichifambirana nemikana iripo iyo iri kuunzwa nechirongwa cheTransitional Stabilisation Programme munyaya dzeupfumi hwenyika. VaEddie Cross, avo vanova nyanzvi inoona nenyaya dzezveupfumi (economist), vanoti Zimbabwe inofanira kutevedza zvinoitwa neGermay apo inonyanya kutarisa maringe nekusimudzira hunyanzvi hwevanhu mumabasa akasiyana.

“Izvi ndizvo zvakakosha zvakaitwa neHurumende, saka tinofanira kuzvitevedza senyika,” vanodaro VaCross.

Vanoti German yakabudirira mukusimudzira upfumi hwayo kuburikidza nekutsigira hunyanzvi hwevanhu mumabasa akasiyana.

“Chikamu che30 percent chevadzidzi vekuGermany chinowaniswa zvitupa mushure mekupasa bvunzo apo 70 percent vachiwaniswa zvitupa zvekugona mabasa akasiyana,” vanodaro VaCross.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nhasi uno nyika yeGermany ndiyo iri pamberi mukutengesa zvinhu zvainogadzira kune dzimwe nyika pasi rose”.

Mutungamiriri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI), VaHenry Ruzvidzo, vanotiwo panguva iyo vakamirira kuti vazokurukura nebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina kuti vachafambisa sei chirongwa ichi, pane zvimwe zvinhu zvinoda kugadziriswa mukusimudzira chimiro chemaindasitiri.

“Kuwanda kwemayunivhesiti kupinda makoreji anofundisa vanhu mabasa emaoko zvinhu zvinoita kuti tifunganye zvakanyanya,” vanodaro.

VaTafadzwa Mudondo, avo vanova principal weHarare Polytechnic, vanoti makoreji anofundisa mabasa emaoko acharamba ari pamberi mukuita basa iri nguva dzose.

Vanoti koreji yavo iri pamberi mukusimudzira mabasa emaoko zvichifambirana nehurongwa hweHurumende uye vari kushanda pamwe chete nemamwe makoreji ekuChina mukusimudzira zvidzidzo zvakadai sekushandiswa kwemagetsi nemechanical engineering.

Gurukota rekuburitswa kwemashoko nekushanda kwenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa – vachitaura kuvatori venhau mushure mekugara kwedare reCabinet svondo rapera – vanoti gwaro rakaturwa naProf Murwira rakadonongodza chirongwa chekuvandudzwa kwedzidzo yepamusoro kubva gore ra2019 kusvika 2030.

“Chirongwa ichi chine chinangwa chekuti pave nemidziyo yemhando yepamusoro inoshandiswa nevadzidzi kumakoreji uye izvi zvichakwezva vadzidzi vekune dzimwe nyika kuti vauye kuzofunda muno nekuderedza matambudziko ekushomeka kwevadzidzi vane ruzivo rwechizvino-zvino (ICT),” vanodaro.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×